2 Vakorinde 2
2
1Ini ndakafunga pachangu kuti handifaniri kukushanyirai zvingaite kuti imi musuwe 2nokuti ndikakurwadzisai ndiani achaita kuti ndifare, kusiya iyeyo mumwecheteyo wandinenge ndasuwisa. 3Kunyora kwandakaita ndakakunyorerai kuti kana ndauya ndirege kurwadziswa navanhu vanofanira kuti vaite kuti ndifare. Ndinonyatsoziva kuti kana ini ndichifara nemiwo mose munofara. 4Ndakakunyorerai ndakasuwa kwazvo ndichirwadziwa mumwoyo uye ndiine misodzi padama, kwete kuti ndikurwadzisei, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinarwo nemi.
Kuregerera munhu anenge akanganisa
5Kana pane akarwadzisa vamwe mwoyo handisini waakarwadzisa. Neimwe nzira, tisingadi zvedu kumuomesera, tingangoti akakurwadzisai mose. 6Kumunhu akadai shamhu yamakamupa imi voruzhinji yakakwana 7zvokuti dai machimuregerera zvenyu muchimunyaradza nokuti angadaro akasvika pakunyanyoodzwa mwoyo nokusuruvara kukuru. 8Saka ndinokukumbirai kuti munyatsomuratidza kuti munomuda. 9Ndokusaka ndakanyora kuti ndione ndingozivawo kuti imi munoteerera here muna zvose. 10Ani zvake wamunoregerera, ndinomuregererawo. Kuregerera ikoko dai kuri kuti pane chandinofanira kuregerera ndakazviita pamusana penyu pamberi paKristu.#2:10 Pamberi paKristu: Vamwe vanoti ndakamirira Kristu. 11kuti tirege kudyiwa munyati naSatani nokuti tinoziva dzaanotamba.
Kurwadziwa mwoyo kwaPauro
12Pandakasvika kuTiroasi kundoparidza Shoko Rakanaka raKristu, ndakazarurirwa musuo muna Tenzi 13asi ndakanga ndisina zororo mumwoyo nokuti handina kuwana hama yangu Titosi ikoko. Saka ndakavaoneka ndikaenda kuMasedhonia.
Kukunda naKristu
14Mwari ngaatendwe anoita kuti, muna Kristu tikurire nguva dzose uye nematiri anoparadzira kose vose kunhuwirira kwokuzivikanwa kwake. 15Iyesu ndisu kunhuwirira kwaKristu kuna Mwari pakati pavari kuponeswa napakati pavari kuparadzwa. 16Kune vamwewo, munhuwi unouraya, kune vamwewo munhuwi unopa upenyu. Ndiani angakwanisane nazvo izvi? 17Hatina kufanana navamwe vanoita shawo neShoko raMwari, asi tinoita savanhu vakatumwa vanotendeka pamberi paMwari tichitaura muna Kristu.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vakorinde 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: