2 Vakorinde 3
3
Chitenderano chitsva
1Totangazve here kuzvizuwidza nezvatiri? Tingade here sezvingadiwe navamwe, matsamba okukutaurirai zvatiri kana matsamba akadaro anobva kwamuri? 2Iyemi ndimi tsamba yedu inotaura zvatiri, yakanyorwa pamwoyo yenyu kuti izivikanwe nokuverengwa navanhu vose. 3Imi pachenyu munotoratidza kuti muri tsamba inobva kuna Kristu, muchero webasa redu, isina kunyorwa neingi asi naMweya waMwari mupenyu. Haina kunyorwa pamafendefa amatombo asi pamafendefa emwoyo yavanhu.
4Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. 5Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. 6Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu.
7Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, 8ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? 9Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. 10Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. 11Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa.
12Zvatiine chitarisiro chakadaro, tine chivindi. 13Hatiiti saMosesi aizvifukidza uso nejira kuti vaIsiraeri varege kuona magumo okupenya kukuru kwakanga kwava kupera. 14Mwoyo yavo yakabva yaomarara nokuti nanhasi wose pavanoverenga chitenderano chakare, jira rimwechetero rinoramba rakafukidza nokuti rinobviswa chete muna Kristu. 15Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa dzavo, 16asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi, jira riya rinobva rabviswa. 17Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko. 18Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vakorinde 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: