Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 7

7
1Zvatiine zvitsidzo izvi hama dzangu ngatizvichenesei kune zvose zvinon'oresa muviri kana mweya uye hutsvene hwedu huve hwakaruramisisa mukutya Mwari.
Rufaro rwaPauro
2Tigamuchireiwo nomwoyo wose, inga hapana watakatadzira wani. Hatina watakarunzira kuti atiitire zvechioko muhomwe. Hapana watakabiridzira. 3Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose. 4Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo.
5Kunyange patakasvika kuMasedhonia, isu nyama yedu haina kuwana zororo, takapoteredzwa nenhamo kumativi ose, kunze yakanga iri hondo yokurwiswa, mukati iri hondo yokutya. 6Asi, Mwari anonyaradza vanenge varasa mwoyo, akatinyaradza nokuuya kwaTitosi; 7kwete nokuuya kwake chete asi nokunyaradzwa kwaakawana mamuri sokutitaurira kwaakaita nezvekundisuwa kwenyu nokundirwadzirwa mwoyo kwenyu neshungu dzenyu neni zvokuti ndakatofarisisa kwazvo.
8Chiripo ndechokuti kunyange zvangu ndakakurwadzisai netsamba yangu, handina urombo nazvo; (kunyange zvangu ndakave nourombo nazvo.) Ndinozviziva zvangu kuti tsamba iyoyo yakakurwadzai kunyange zvazvo kwaiva kwechinguvana chete. 9Sezvazviri ndinofara, kwete, nokuti makarwadziwa, asi pamusana pokuti makarwadziwa zvakakuitai kuti mupinduke nokuti kurwadziwa kwenyu kwaiva nohumwari makuri zvokuti hapana chatakaita kuti murasikirwe nacho. 10Kurwadzirwa mwoyo zvaMwari kunoita kuti munhu apinduke zvinosvitsa kuruponeso uye hazvirwadzise mwoyo; asi kurwadzirwa zvenyika kunounza rufu. 11Tarisai muone kuti shungu dzokurwadzirwa zvaMwari dzakakuberekerai chii mamuri, kuti makaita shungu dzakaita sei kuzvisasamura mhaka, kuti zvakakugumburai sei uye kuti zvakakutyisai zvakadii. Ndoda kudisisa kwenyu neshungu dzenyu uyezve chirango chacho! Aiwa, makaratidza, muna zvose, kuti hamuna mhosva panyaya iyi. 12Naizvozvo, kunyange ndakakunyorerai zvangu, handina kukunyorerai pamusana pewakatadza uya kana kuti pamusana pouyo akatadzirwa asi kuti shungu dzenyu kwatiri dzibude pachena kwamuri pamberi paMwari. 13Nokudaro isu zvinotinyaradza. Pamusoro pokunyaradzwa kwedu ikoko, takatofara zvikuru kwazvo nokufara kwaTitosi, nokuti imi mose makamugadzanisa hana. 14Ndakakuzuwidzai kwaari, imi mukasandinyadzisa pamusana pokuti zvatakataura zvakanga zviri zvedi, naizvozvo kuzuwa kwedu kuna Titosi kwaiva kwechokwadi. 15Anobva atorwa mwoyo chaizvo nemi kana oyeuka kuteerera kwenyu mose uye kumugamuchira kwamakaita muchimuremekedza nokumukudza zvakaperera. 16Ndinofara kwazvo nokuti ndinovimba nemi.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Vakorinde 7: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda