Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20

20
Pauro anobva kuEfeso achienda kuMasedhonia nokuAkaya
1Mhirizhonga iyi payakapera, Pauro akadaidza vadzidzi akavakurudzira ndokuvaoneka oenda kuMasedhonia. 2Akapfuura nomunzvimbo idzi achivakurudzira akazosvika kuGirisi, 3kwaakagara mwedzi mitatu. Pamusana pokuti pakaitwa bangano navaJudha rokumurwisa, panguva yaakanga ava kuda kuenda nechikepe kuSiria, akafunga zvokudzokera nokuMasedhonia. 4Akaperekedzwa naSopeta wokuBherea, mwanakomana waPirusi, kune vokuTesaronika akaperekedzwa naArisitakusi naSekundusi naGayusi wokuDhebhe naTimoti. VokuAsia vakanga vari Tikikusi naTirofimusi. 5Ava vakafanotungamira vakatimirira kuTiroasi. 6Isu takafamba nechikepe kuenda Firipi mushure memazuva echingwa chisina mbiriso. Pashure pamazuva mashanu takasvika kwavari kuTiroasi kwatakagara kwamazuva manomwe.
KuTiroasi Pauro akamutsa Yutikusi ainge afa
7Pazuva rokutanga revhiki, patainge takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataura navo achida kuzosimuka mangwana acho. Akarebesa nhauro yake kusvikira pakati pousiku. 8Makanga muine mwenje yakawanda muimba yapamusoro matakanga takaungana. 9Rimwe jaya rainzi Yutikusi rakanga rakagara pawindo, rakabatwa nehope zvikuru Pauro paakaramba achingotaura. Paakakundwa nehope akaputsikira pasi kubva panhurikidzwa yechitatu vakazomutora iye atofa. 10Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.” 11Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena. 12Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru.
Kubva kwaPauro kuTiroasi achienda kuMiretusi
13Takafanotungamira kuchikepe tikazosimuka nechikepe tichienda kuAsosi tichida kuzotora Pauro muchikepe ikoko, nokuti ndizvo zvaakanga aronga, iye achida kuenda netsoka. 14Paakasangana nesu kuAsosi, takamukwidza muchikepe tikaenda kuNitirene. 15Takabvapo nechikepe. Mangwana acho takasvika pakatarisana neKiosi. Ramangwana acho takapfuura napaSamosi. Ramangwanawo tikasvika kuMiretusi 16nokuti Pauro akanga afunga kuenda nechikepe achipfuura nokuEfesusi kuti arege kupedza nguva ari kuAsia nokukurumidzira kuva kuJerusaremu, kana zvaigoneka pazuva rePendekosti.
Pauro anoonekana navakuru vakuru vokuEfeso
17Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano. 18Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia, 19ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha. 20Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba 21ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu. 22Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko, 23kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira; 24asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari. 25Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare. 26Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara 27nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari. 28Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake. 29Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga. 30Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari. 31Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama. 32Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene. 33Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu. 34Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo. 35Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ”
36Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose. 37Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda. 38Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 20: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda