Mabasa 22
22
1“Varume hama, nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwandinoita pamberi penyu.” 2Pavakanzwa kuti aitaura kwavari nechiHebheru vakabva vatonyarara zvikuru. Iye akati, 3“Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno. 4Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo 5nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa.
Pauro anotaurazve zvokutendeuka kwake
6“Pandakanga ndiri parwendo rwangu, ndavakusvika kuDhamasikusi, kumasikati–sikati, chiedza chikuru chakabva kudenga chikandipoteredza nokupenya kwacho. 7Ndakawira pasi ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzireiko.’ 8Ini ndakapindura ndichiti, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Iye akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareti wauri kutambudza.’ 9Zvino avo vakanga vaneni vakaona chiedza asi havana kunzwa izwi rewakanga achitaura kwandiri. 10Ndakati, ‘Ko ndoiteko Tenzi?’ Tenzi akati kwandiri, ‘Chisimuka uende muDhamasikusi. Imomo uchataurirwa zvose zvawakarongerwa kuti uite.’ 11Sezvandakanga ndisisaone pamusana pokupenya hwechiedza chiya, ndakatoita zvokubatwa ruoko ndichitungamirirwa navandaiva navo ndikapinda muDhamasikusi.
12“Mumwe munhu anonzi Ananiya, munamati chaiye waMwari maererano nomutemo, aitaurwa zvakanaka nezvake navaJudha vose vaigara ikoko. 13Akauya kwandiri akasvikomira pandiri akanditi, ‘Hama Sauro chikwanisa kuonazve.’ ” Ndakabva ndava kuona, ndikamuonawo. 14Iye akati, “Mwari wamadzibaba edu akakusarudza kuti uzive zvaanoda, uye kuti uone Mururami uyewo kuti unzwe izwi rinobva mumuromo make 15nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose uchipupurira zvawaona nezvawanzwa. 16Pane chaungamirire here?” Chisimuka uombekwe ushambidzwe zvitadzo uchidaidza zita rake.
17“Pandakadzokera kuJerusaremu, pandainamata muTemberi 18ndava muMweya, ndakaona Tenzi achiti kwandiri, ‘Kurumidza ubude muJerusaremu nokukasika nokuti havasikuzogamuchira umboo hwako nezvangu.’ ” 19Ini ndakati, “Tenzi ivo pachavo vanoziva kuti musinagogu yoga yoga ndaiisa vanhu mujeri ndichirova vaitenda mamuri. 20Ropa raSitefani chapupu chenyu parakadeurwa ndakanga ndimire pedyo ndichitowirirana nazvo uye ndichitochengeta hanzu dzevakanga vachimuuraya.” 21Iye akanditi, “Chibva nokuti ndichakutumira kure kure kune vechirudzi.”
22Kusvikira ipapa vakamuteerera vakazodaidzira vachiti, “Panyika pano, pasi nomunhu wakadai, nokuti haafaniri kurarama.” 23Pavaidaidzira vachivheyesa hanzu dzavo vachitibura huruva, 24mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro. 25Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.” 26Mutungamiri wezana paakazvinzwa akaenda kumukuru mukuru wamasoja uya akati kwaari, “Ko chii chamuri kuda kuita ichi. Munhu uyu muRoma.” 27Ipapo mukuru mukuru wamasoja akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Iye akati, “Hongu.” 28Mukuru mukuru wamasoja akati, “Ndakatenga uRoma ihwohwo nemari yakawanda kwazvo.” Pauro akati, “Asi ini ndakaberekwa ndiine uRoma ihwohwo.” 29Nokudaro vaya vakanga vachida kumuongorora vakabva paari pakarepo. Naiyewo mukuru mukuru wamasoja akanga avakutotyawo nokuti akanga azviziva kuti Pauro akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga kwazvo.
Pauro pamberi pedare guru ravaJudha
30Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 22: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.