Mabasa 26
26
Kuzvidavirira mhosva kwaPauro
1Agiripa akati kuna Pauro, “Unobvumirwa kuzvitaurira.” Pauro akasimudza ruoko rwake akazvidavirira.
2“Ndinofunga kuti ndine mhanza yakanaka kuti ndizvidavirire nhasi pamberi penyu, imi mambo Agiripa, pane zvose zvandinopomerwa navaJudha 3nokuti imi munonyatsoziva tsika namakakatanwa anoitwa navaJudha, saka ndinokukumbirai kuti munditeererewo nemwoyo murefu.
Pauro anotaurazve nezvekupinduka kwake
4“VaJudha vose vanoziva mugariro wangu kubvira pahwana huduku hwangu uye upenyu hwandakagara kubvira pakutanga mukati merudzi rwangu muJerusaremu. 5Vanondiziva kwenguva ndefu, kana vachida zvavo kuzvipupura, kuti ndakagara somuFarisei, bato rinochengetedza zvechitendero chedu nemazvo chaimo. 6Zvino ndiri pano ndichitongerwa chitarisiro munezvakatsidzirwa madzitateguru edu naMwari 7Mambo, zviri kutarisirwa kuwanika namadzinza edu gumi namaviri pavanonamata nemwoyo wose siku nesikati, chitarisiro ichocho ndicho chandiri kupirwa mhosva navaJudha. 8Sei muchizviona sechinhu chisingagoneki kuti Mwari anomutsa vakafa.
9“Iniwo pachangu ndaiva nechokwadi chaicho kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvokurwisa zita raJesu weNazareti. 10Izvi ndakazviita muJerusaremu. Handina kungozaririra vazhinji vavasarudzwi vaMwari mumajeri ndichishandisa simba randakapiwa navapristi vakuru asi kuti pavaiuraiwa ndairatidza kuwirirana navo. 11Ndakavaranga kakawanda mumasinagogu ose uye ndakaedza kuti vashonhe Mwari. Ndaivatambudza ndiine hasha dzisingatauriki kusvika kumaguta okunze kwenyika. 12Ndizvo zvakaita kuti ndiende kuDhamasikusi ndapiwa navapristi vakuru simba nebasa rokuita izvozvo. 13Zuva rava kurova panhongonya, mambo, ndakaona panzira chiedza chakabva kudenga chichipenya kupinda zuva. Chakapenya chakanditenderedza ini navandaifamba navo. 14Patakawira pasi tose ndakanzwa izwi richitaura kwandiri mumutauro wechiHebheru richiti, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzirei. Zvinokurwadza kupfanha negumbo shamhu.’ 15Ndakati, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Tenzi akati, ‘Ndini Jesu wauri kutambudza. 16Asi chisimuka umire namakumbo ako, nokuti izvi ndizvo zvandazviratidzira kwauri kuti ndikusarudze ushande uye kuti uve chapupu chezvawandiona ndiri uye mune zvandicharatidza kwauri 17ndichikununura kuvanhu nekune vechirudzi vandichakutumira kwavari 18kuti uzarure maziso avo vatendeuke kubva murima vachienda muchiedza uye kubva mumaoko aSatani vachienda mumaoko aMwari kuti vawane kuregererwa kwezvitadzo zvavo uye vawane nzvimbo mukati mevavo vakasarudzwa pamusana pechitendero chavo mandiri.’
Pauro anotaura nezvebasa rake kuna Mambo Agiripa
19“Saizvozvo, Mambo Agiripa handairamba kuteerera chiratidzo ichocho chokudenga asi ndakatanga kuzivisa vari 20kuDhamasikusi tevere vokuJerusaremu ndokuzouyawo nyika yose yeJudhea nokune vechirudzi kuti vanofanira kupinduka vadzokere kuna Mwari vaite zvinowirirana nokutendeuka kwavo. 21Pamusana paizvozvi vaJudha vakandibata muTemberi vakaedza kundiuraya. 22Kusvikira pari nhasi ndakabatsirwa naMwari. Saizvozvo ndimire pano ndichipupura kuvaduku nokuvakuru pasina chimwe chandinotaura kunze kwezvakataurwa navaporofita naMosesi kuti zvichaitika 23zvokuti Mesia anofanira kutambudzika achiva iye wokutanga kumuka muvafi achizoparidza nazvo chiedza kuvanhu nokune vechirudzi.”
24Ipapa Pauro achizvidavirira, Fesitusi akadaidzira nezwi guru achiti, “Iwe Pauro wavakupenga iwe. Kudzidza kwako ndiko kwava kukupengesa iwe.” 25Pauro akati, “Handisi kupenga, changamire vanoremekedzwa vaFesitusi. Ndiri kutaura chokwadi nepfungwa 26dzakakwana nokuti mambo vanoziva zvinhu izvi uye ndinotaura kwavari ndakasununguka ndinonyatsoziva kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chaasina kuona nokuti hazvina kuitirwa pachikona. 27Nhai imi, Mambo Agiripa munotenda vaporofita here? Ini ndinoziva kuti munotenda.” 28Agiripa akati kuna Pauro, “Unofunga kuti angandiite muKristu nenguva pfupi yakadai here?”
29Pauro akati, “Ingave nguva pfupi kana refu zvayo, ndinotokumbira kuna Mwari, kuti kwete imi moga asi kuti vose vari kundinzwa nhasi uno vave sezvandiri, kunze kwecheni idzi chete.”
30Mambo akabva asimuka nagavhuna naBhenisi navavakanga vakagara navo. 31Pavakanga vabva vakataurirana vachiti, “Munhu uyu hapana chaari kuita chinokodzera rufu kana kuiswa mujeri.” 32Agiripa akati kuna Fesutusi, “Munhu uyu angadai asunungurwa zvake dai asina kuti mhosva yake ikwidzwe kuna Siza.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 26: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.