Mabasa 6
6
II: MABASA ESANGANO OKUTANGA OKUPARIDZA KUNEVECHIRUDZI
Kusarudzwa kwavashandiri vanomwe
1Pamazuva iwayo vadzidzi pavakanga vava kuwanda vechiGiriki vakanyunyutira vechiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwamazuva ose. 2Vane gumi navaviri vakaunganidza gungano ravadzidzi vakati, “Hazvina kunaka kuti tirege kuparidza shoko raMwari tichipa zvokudya. 3Naizvozvo hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane zita rakanaka vazere naMweya noungwaru vatinogona kupa basa iri. 4Asi isu tozvipira kubasa rokunamata nokuva vashandiri veShoko.” 5Zvavakataura zvakafadza gungano rose. Vakasarudza Sitefani murume akanga azere nechitendero naMweya Mutsvene kouya Firipi naPurokorusi naNikanori koti Timoti naPemenasi naNikorausi wokuAndiyoku akapindukira kuchiJudha. 6Vakavaunza panavapositori. Ivo vakanamata vakaisa maoko avo pavari.
Kusungwa kwaSitefani
7Shoko raMwari rakaenderera mberi uye uwandi hwavadzidzi hwakakura zvikuru kwazvo muJerusaremu. Vapristi vazhinji vakagamuchirawo chitendero.
8Sitefani aiva azere nenyasha nesimba akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. 9Ipapo vamwe vaiva veSinagogu yavaSununguki sokudaidzwa kwayaiitwa, nevokuSairini nevokuArekizandiria nevakabva Kirikia nokuAsia vakamuka kuitirana nharo naSitefani. 10Asi havana kukwanisana noungwaru naMweya waaitaura ainaye. 11Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.”
12Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. 13Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, 14nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ” 15Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.