Vakorose 1
1
1Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu 2takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu.
Mwari Baba wedu
ngavakuwanisei
nyasha norugare.
Munamato wokutenda Mwari
3Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai. 4Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose 5pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka 6rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri 7sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu, 8iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya.
9Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya 10kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari. 11Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu.
Kununurwa kwedu
12Norufaro,#1:12 Norufaro: Izwi irori muGiriki riri muchitsuko chokutanga ndima duku yegumi nembiri (1:11) tendai Baba,
vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami,
muchiedza.
13Vakatinunura kuumambo hwerima
vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo.
14Maari ndimo matakawana ruponeso
rwokuregererwa zvitadzo.
I: CHIDZIDZISO
Kristu Nebasa rake
15Ndiye mufananidzo
waMwari asingaonekwi.
Dangwe–rume rechisikwa chiri chose
16nokuti maari, Mwari
ndomaakasika namo zvinhu zvose,
zviri pasi nezviri kudenga,
zvinoonekwa nezvisingaonekwi,
kunyange vezvigaro #1:16 Vezvigaro: Zviri kurehwa zvigaro zvohukuru pakati pemweya iri mudenga'mu. zvokutonga
kana voumambo
kana kuti vane ukuru–ukuru
kana madzishe.
Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari
uyewo ndiye wazvakasikirwa.
17Ndiye nyakutangira zvinhu zvose
uye maari zvinhu zvose
zvinobatanidzwa
zviri mumaoko ake.
18Ndiye musoro womuviri,
musoro wesangano.
Ndiye wokutanga
dangwerume revakabva kuvafi,
kuti muna zvose
ave ndiye wokutanga–tanga
19nokuti maari umwari huzere
hwakafadzwa kuita musha wahwo
20uye kuti nemaari, ayananise
zvinhu zvose naye.
Achizviwadzanisa neropa
romuchinjikwa wake,
zvingave zviri pasi pano
kana zviri kudenga.
Vakorose vane mugove wavo muruponeso
21Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata, 22akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe. 23Anogona kuzviita chete kana imi mukaramba muine chitendero makadzika midzi musingazunguziki, musingakande pasi chitarisiro chamunowana muShoko Rakanaka ramakanzwa rakaparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakave mushandiri waro.
Basa rakaitwa naPauro
24Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano. 25Sangano iroro, ndiro randakava mushandiri waro maererano nomugove webasa randakapirwa imi naMwari kuti Shoko raMwari rizivikanwe zvizere. 26Ndicho chakavandika chiya kubvira pasichigare kwezvizvarwa nezvizvarwa asi iye zvino chavakuburitswa pachena kuvatsvene vake. 27Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri. 28Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu. 29Izvozvi ndizvo zvandakashingairira ndikatamburira nesimba rake rose rinoshanda mandiri zvakanyanya kwazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
Vakorose 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: