Kutsinhira Mutemo 25
25
1“Kana vanhu vaviri vakaitirana nharo, vakaenda kudare, dare rotaura kuti, ‘Uyu ane mhosva, uyu haana mhosva,’ 2nyakubatwa nemhosva onzi ngaarohwe, mutongi achamuti azvambarare pasi arohwe shamhu dzinokodzerana nemhosva yake iye aripo. 3Angarohwe shamhu makumi mana asi ngadzirege kupfuura ipapo, nokuti kana akarohwa shamhu dzinopfuuridza ipapa ingadaro hama yako ikafumurwa iwe uchiona.
4“Usaise mombe matomhu paunenge uchiipurisa mbesanwa.
Kugara mukadzi nhaka
5“Kana vanakomana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe obva afa asina mwana mukomana, chirikadzi yaanosiya haifaniri kuroorwa nomutorwa. Muramu wake ngaamugarire nhaka achengetedzewo murao wenhaka. 6Mwana mukomana waanotanga kubereka achapiwa zita romuchakabvu kuitira kuti rirege kutsakatika muIsiraeri. 7Kana muramu uya asingadi kugara nhaka mukadzi womukoma kana munun'una wake ngaaende kuvakuru vakuru kuzambara kundomhan'ara achiti, ‘Muramu wangu ari kuramba kumutsiridza zita rehama yake muIsiraeri muno. Ari kuramba kuita basa rake rokundigarira nhaka.’ 8Ipapo vakuru vakuru vomuguta rake ngavamudaidze vataure naye. Kana akarambisisa achiti, ‘Handidi kutora mukadzi iyeyo.’ 9Mukadzi uya ngaaende kumuramu wake omubvisa shangu yake, omupfira mate kuuso, vakuru vakuru varipo obva ati, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa kumunhu asingadi kuti musha womukoma kana munun'una wake ukure. 10Zita rake muIsiraeri muno richanzi; Imbayanyakubviswashangu.’
Mitemo mimwewo
11“Kana varume vaviri vachirwisana, mukadzi womumwe akauya kuzokutsira achibatsira murume wake, akakata zvombo zvomumwe wacho, 12dimurai ruoko rwomukadzi iyeyo musingamunzwiri tsitsi.
13“Usave nezviereso zviviri zvine mwero yakasiyana, zvinoti chimwe chikuru chimwe chiduku muchijosaka chako. 14Mumba mako usave nezviereso zviviri zvine mwero isina kuenzana zvinoti chimwe chikuru chimwe chiduku. 15Unosungirwa kuva nezviereso nezvokupimisa zvechokwadi zviri pamwero kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. 16Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wako haambodi zvake vanhu vanoita izvozvi zvoujarijari hwokubiridzira.
Tsakatisai rudzi rwevaAmareki
17“Rangarira zvakaitwa naAmareki kwamuri muri murwendo rwokubva kuIjipiti. 18Zviya zvaakakuvinga panzira nehondo akakufuta neshure pawakanga waneta warukutika, akauraya vamwe venyu vose vakanga vaneta vasaririra shure asingambotya zvake Mwari. 19Naizvozvo, kana Tenzi Mwari wako azokupa zororo kuvavengi vako vose vari munharaunda yenyika yako yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, tsakatisa rudzi rwaAmareki pasi pano, usakanganwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 25: SCLB
Sarudza vhesi
Sarudza zvinyorwa izvi
Yenzanisa
Pakurirana nevamwe
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.