Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 1

1
1Mashoko omuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo womuJerusaremu.
NDIMA YOKUTANGA
Kusanzwisisika kwoupenyu
2Hazvinzwisisiki hazvinzwisisiki, ndozviri kutaura muparidzi, hazvinzwisisiki, zvinhu hazvinyatsonzwisisika. 3Nhai imi munhu anofireiko nebasa chaizvo, nokufondoka kwose kwaanoita pasi pezuva? 4Chimwe chizvarwa chinoenda chimwewo chizvarwa chichiuya asi nyika inoramba iripo chete. 5Zuvawo rinobuda, zuva rinodoka romhanyazve#1:5 Romhanyazve: Vamwe vanoti panogona kunzi rofemereka kuenda kunzvimbo. iwee kunzvimbo kwaro kwarinobuda! 6Mhepo inoenda kumaodzanyemba yopishinukazve yoenda kuchamhembe, ichingotendererawo, ichingotenderera. Mhepo inoramba ichingoenda nemayamboenda namo imomo. 7Nzizi dzose dzinoyerera kugungwa asi gungwa harizari. Nzizi kwadzinoyerera dzinoyererazve ikoko. 8Zvinhu zvose zvinofinha, hapana angagone kuzvitaura. Ziso hariguti kuona kana nzevewo haiguti kunzwa.
9Zvakamboitika zvichaitikazve.
Zvakamboitwa zvichaitwazve.
Hapana chitsva pasi pezuva.
10Panechinhu here chinganzi ona chinhu icho chitsva. Chaivapo kare panguva yakare. 11Hakuna chete anoyeuka zvinhu zvakare. Hakunawo achazoyeuka panevachauya mushure macho. Uye kuyeuka pachange pasina pakati pane vachauya mushure machowo.
Upenyu hwoMuparidzi wouchenjeri
12Ini Muparidzi ndakatonga Isiraeri ndiri muJerusaremu. 13Ndakazvipira kunyatsotsvaga nokuongorora noungwaru zvose zvinoitika pasi pedenga. Aiwaiwa! Mutoro wacho wakapiwa vanhu naMwari kuti vatakure haufadzi. 14Ndakatarisa mabasa ose anoitwa pasi pezuva ndikaona zvangu kuti zvose hazvinzwisisiki uye kuti kunongova kudzingirirana nemhepo zvako.
15Chakakombama hachitasanudziki
chisipo hachigone kuverengwa.
16Ndakambozvifunga zvangu mumwoyo ndichiti, “Ini ndakawana ungwaru hunokunda vamwe vose vakanditangira kuva vatongi veJerusaremu. Zvakanyatsondipindawo mumwoyo kuti chinonzi ungwaru chii uye kuti chinonzi ruzivo chii.” 17Ndakazvipira kwazvo kuti ndizive kuti chinonzi ungwaru chii uyewo kuti chinonzi upenzi chii. Ndakaonawo ikoku kuri kungodzingirirana zvako nemhepo. 18Chandinodariro ndechokuti ungwaru hukawanda nhamowo dzinobva dzaita murwi kuwanda. Anozviwanzira ruzivo anozviwanzirawo matambudziko.

Zvasarudzwa nguva ino

Muparidzi 1: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda