Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 8

8
VaJudha vanonzi sungai dzisimbe muzvirwire
1Musi iwoyo mambo Ahasuerusi akapa kuna vahosi vake Esita imba yaHamani muvengi wavaJudha Modhekai akauya kuna mambo nokuti Esita akanga amutaurira kuti chii chake. 2Mambo akabvisa ringi rake rechidhindo raakatorera Hamani ndokuripa kuna Modhekai. Esita akaisa imba yaHamani mumaoko maModhekai.
3Esita akataurazve kuna mambo. Akawira pasi pamakumbo ake achimuteterera nemisodzi padama kuti akonese bangano rakaipa raHamani muAgagi nezano raakanga aronga rokuparadza vaJudha. 4Mambo akasumudzira tsvimbo yake yendarama kuna Esita, 5Esita akabva asimuka akamira mberi kwamambo, akati, “Kana zvichikufadzai zvenyu mambo uye mandiitirawo tsiye nyoro, uyezve kana muchichionawo kuti chingave chinhu chakanaka, mandiitirawo mwoyochena; ngakunyorwe matsamba anoti: zvakanga zvakatemwa mutsamba, naHamani muchiAgagi mwanakomana waHamedhata, tsamba dzaakanga anyorera kuparadza vaJudha vari munyika dzose dzamambo. 6Nokuti ndingaise kupi mwoyo kuona nyatwa iri kuwira vanhu vokwangu? Uye kuti ndingabate papi chaizvo kuona vanhu vokwangu vachiparadzwa?”
7Mambo Ahasuerusi akati kuna vahosi Esita naModhekai muJudha, “Chionai kuti ndakapa Esita imba yaHamani, akasungirira Hamani pamutandarikwa pamusana pokuti aida kuzouraya vaJudha. 8Zvino imi mochinyora zvamunoda nezvevaJudha muzita ramambo mugozvidhinda neringi ramambo rechidhindo nokuti chirevo chinenge chanyorwa muzita ramambo uye chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo, hachisandurwi.”
9Vanasamunyori vamambo vakadaidzwa panguva iyoyo mumwedzi wechitatu, unonzi Sivani pari pazuva rechimakumi maviri namatatu. Kwakanyorwa chirevo chaitaura zvainge zvatemwa naModhekai pamusoro pevaJudha chichienda kumadzishe namasadunhu namachinda enyika dzaibvira kuIndia kusvika kuItiopia, dzaisvika zana namakumi maviri ane nomwe. Nyika yoga yoga ichinyorerwa nomunyorero wayo rudzi rumwe norumwe ruchinyorerwa nomutauro warwo. Uyewo nokuvaJudha nomunyorero wavo nomutauro wavo. 10Chakanyorwa muzita ramambo Ahasuerusi chikadhindwa neringi ramambo rechidhindo. Tsamba idzodzo dzakatumirwa nevokumhanya nemashoko vakanga vakatasva mabhiza omudanga ramambo aimhanya kwazvo aishandiswa pabasa ramambo.
11Netsamba idzi, mambo akabvumidza vaJudha vomuguta rimwe nerimwe kuunganidzana kuti vazozvidzivirira upenyu; uye kuti vaparadze nokutouraya chaiko nokutsakatisa hondo ipi neipi zvayo yavanhu inenge iine zvombo zvehondo, kana nyika inenge yafunga zvokurwisa ivo navana vavo navakadzi vavo, kana kuzopamba zvinhu zvavo; 12uye kuti zviitwe nezuva rimwechete chairo munyika dzose dzamambo Ahasuerusi musi wacho wegumi nechitatu wemwedzi wegumi nechipiri, ndomwedzi waAdhari iwoyo. 13Imwe Tsamba yakangoita saiyoyi iyi yaifanira kuzoburitswa sechirevo munyika yoga yoga igonyatsoziviswa kuvanhu. VaJudha vose vaifanira kugadzirira pamusi iwoyo kutsividza vavengi vavo. 14Saizvozvowo vokumhanya namashoko vaya vakabva vati karakata pamabhiza avo anomhanya kwazvo, aimboshandiswa pabasa ramambo ndokuenda nokukurumidza nokuti chaive chinhu chatemwa namambo. Chirevo ichi chakatemwa muguta reSusa, guta guru renyika iyoyo.
15Modhekai akabva pana mambo ipapo, akabuda akapfeka hanzu dzokwamambo dzeruvara rwedenga nechena aine ndaza huru yendarama nejasi refu-refu rejira rerineni yakanakisisa yeruvara rwehute, guta rose reSusa riri zhwerendende kufara. 16VaJudha vakava nechiedza vakapembera vachifara vakanzwa kuremekedzwa. 17Munyika dzose idzodzo nomumaguta ose kwakasvikwa nechirevo chamambo nezvakanga zvatemwa namambo, makava nokufara nokupembera pakati pavaJudha. Kwakabva kwaitwa zuva guru okufara nokuzorora. Vamwewo mukati menyika iyoyi vakazviti vava vaJudha nokuti vakanga vawirwa nokutya vaJudha.

Zvasarudzwa nguva ino

Esita 8: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda