Esita Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raEsita rinoratidza kuti Mwari anokwanisa kuponesa vanhu vake munhamo ipi zvayo kunyange youdzvinyiriri. Rinoratidza kuti vakaipa vanokwanisa kubudirira zvavo kwechinguvana, izvozvo vakarurama vachitambura asi zvinosanduka zvodzokera vakaipa vaya. Kana Mwari ava kuita izvi anoshandisa vanhuwo zvavo vakaita saEsita naModhekai. Mubhuku rino tinoona Mwari achishandisa Modhekai naEsita kununura rudzi rwose rweIsiraeri rwakanga rwuchifanira kuuraiwa. Rungano urwu rwakaitika munyika yePezhiya panguva yamambo Zekisesi.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raEsita
Pfumvu yavaJudha (1:1—5:14)
Esita anova vahosi vamambo (1:1—2:23)
Zvirongwa zvaHamani zvokuuraya vaJudha vose (3:1—5:14)
Kununurwa kwavaJudha (6:1—10:3)
Kuuraiwa kwaHamani (6:1—7:10)
VaJudha vanokurira vavengi vavo (8:1—10:3)
Zvasarudzwa nguva ino
Esita Zviri mubhuku rino: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.