Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 2

2
B. MAZUVA OKUTANGA OUPENYU HWAMOSESI
Kuberekwa kwaMosesi
1Nguva iyoyo mumwe murume wemba yokwaRevhi akaroora mwana womuRevhi. 2Mudzimai wake akava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Paakaona kuti mwana wake mwana akanaka kwazvo, akamuhwandisa kwemwedzi mitatu. 3Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi. 4Hanzvadzi yomwana uyu yaimutarisa iri chinhambwe kuti ione chingangoitika kwaari.
5Zvino mukunda waFarao akadzika kurwizi kuzoshamba muviri. Vasikana vaimushandira vaiva naye vaifamba munyasi memahombekombe erwizi. Mukunda waFarao akaona tswanda iya iri mutsanga, akatuma mumwe musikana aimushandira kundoitora. 6Mukunda waFarao paakakudubura tswanda iyi akaona mune mwana mucheche akanga achichema. Akamunzwira tsitsi akati, “Mwana uyu mwana womuHebheru chete.”
7Ipapo hanzvadzi yomwana uyu yakauyapo ikati kumukunda waFarao, “Ko ndingakudaidzirei zvangu here mureri pavakadzi vechiHebheru wokukuyamwisirai mwana uyu?”
8Mukunda waFarao akati, “Ee, enda zvako.” Musikana uyu akaenda akandodaidza amai chaivo vomwana iyeyo vokumubereka. 9Mukunda waFarao akati kwavari, “Torai mwana uyu, mundiyamwisirewo ndichakupai mubayiro wenyu woureri.” Ivo vakatora mwana vakandomurera. 10Mwana akakura, vakaenda naye kumukunda waFarao, akabva amuita mwana wake. Akamutumidza zita rokuti Mosesi nokuti aiti, “Mwana uyu ndakamunyurura mumvura.”
Mosesi akatizira kuMidhiani
11Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru. 12Mosesi akaringa-ringa ndokuona kuti hapana mumwe munhu akanga aripo, ndokubva auraya muIjipiti uyu ndokumufushira mujecha. 13Mangwana acho, Mosesi akaenda kwakare, ndokuona vaHebheru vaviri vachirwa. Mosesi akatsiura akanga akanganisa achiti, “Ko uri kurovereiko hama yako?”
14Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!” 15Farao akazozvinzwa akada kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza, akandogara munyika yeMidhiani. Akasvika pakanga paine tsime, ndokugara zvake pasi. 16Zvino muMidhiani maiva nomupristi, akanga ana vana vake vasikana vanomwe. Vasikana ivava vakauya vakateka mvura vakaizadza mainwira zvipfuwo kuitira kuti zvinwe. 17Kwakauyawo vamwe vafudzi vakavadzinganisa. Asi Mosesi akasimuka akandonunura vasikana ava, akanwisa zvipfuwo zvavo. 18Pavakadzokera kuna baba vavo Reueri#2:18 Reueri: Ndivowo vainzi Jetero, baba ivavo vakati, “Ko nhasi makurumidziswa nei kudai?”
19Vakati, “Tanunurwawo nomumwe muIjipiti, adzinga vafudzi. Atotitekerawo mvura akapa zvipfuwo zvedu kuti zvinwe.”
20Baba vakati kuvana vavo, “Ko zvino munhu wacho ari kupi? Mamusiyireiko? Endai mumudaidze awane chokudya.”
C. KUDAIDZWA KWAMOSESI
21Mosesi akagutsikana kugara nomurume uyu. Iye akazopa Mosesi mwana wake Zipora kuti ave mukadzi wake. 22Zipora akabereka mwana mukomana, Mosesi akatumidza mwana wake zita rokuti Gerishomu#2:22 Gerishomu: Zvinoreva kuti kugara somutorwa kunyika yavamwe. achiti, “Ini ndiri mutorwa zvangu munyika yavamwe.”
23Nokufamba kwamazuva mambo weIjipiti akafa. VaIsiraeri vakaramba vachidandaura nenhamo youranda. Vakachema vachida kununurwa. Kuchema kwavo nhamo youranda kwakasvika kudenga kuna Mwari. 24Mwari akanzwa kudandaura kwavo nenhamo ndokurangarira chitenderano chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho. 25Mwari akatarisa vaIsiraeri akaita hanya navo.

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 2: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda