Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 23

23
Magariro kwawo ane ruenzaniso
1“Usafambise makuhwa. Usarangane nomunhu ane mhosva kuti uzomupupurira zvenhema. 2Usaite chinhu chakaipa pamusana pokuti chiri kuitwa navanhu vazhinji, kana kungotevera ruzhinji mukupupurira zvisiri zvechokwadi padare. 3Tonga mhosva yomurombo nomazvo usingamupembedzi nokuda kwokuti murombo.
4“Kana ukaona mombe kana kuti dhongi romuvengi wako rarasika unofanira kuridzorera kwaari. 5Kana ukaona dhongi romuvengi wako rawira pasi rakatsitsirirwa nomutoro waro, mubatsire kurimutsa, usangosiya zvakadaro.
6“Usaminamise mhosva yomurombo padare uchirega kuitonga nomazvo. 7Siyana nokupomera vanhu mhosva dzavasina, urege kuti munhu asina mhosva, mururami aurayiwe. Ndinodaro nokuti muipi handingati haana mhosva. 8Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inopofomadza vari pazvigaro zvoukuru, ichitadzisawo mururami kutaura chokwadi.
9“Usabate mutorwa zvakaipa. Imi munoziva wani upenyu hwomutorwa nokuti imi maivawo vatorwa kunyika yeIjipiti.
Gore rechinomwe nezuva rechinomwe
10“Rima zvako munda wako kwamakore matanhatu, uchikohwa mbesa dzawo. 11Asi pagore rechinomwe, rega usaruke usina kuurima uchiuzorodza kuitira kuti varombo vokwenyu vadye zvavo mahoko#23:11 mahoko magoko kana kuti magokwe. acho. Uye mhuka dzesango dzidyewo zvaunosiya. Itai zvimwechetezvo neminda yenyu yemigirepisi neyemiorivhi.
12“Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi pazuva rechinomwe zorora kuitira kuti mombe namadhongi ako azorore, vana vavaranda vako navatorwa vambofurwawo nemhepo. 13Chenjererai kuita zvose zvandakuudzai, musambodoma zvenyu vamwe vamwari nezita, kunyange zvako kuvati muromo bufu.
Mazuva makuru anochengetwa katatu pagore
(Kub 34:18–26; Kut 16:1–17)
14“Munofanira kuchengeta mazuva makuru okundipemberera, katatu pagore. 15Munochengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso sezvandakakuudzai, mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe panguva yawo yakatemwa mumwedzi waAbhibhi nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. Hakufanire zvako kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata maoko chete.
16“Uyewo munochengeta zuva rokupemberera kukohwa muchipemberera zvirimwa zvokutanga kukohwa zvebasa ramunenge maita muminda yenyu.
“Pakupera kwegore, chengetai zuva rokupemberera kuunganidza mbesa, pamunenge maunganidza mbesa dzenyu nezvamaikohwa muminda. 17Vanhu venyu vose varume vanofanira kuuya kuneni Tenzi Mwari, katatu pagore.
18“Musapire kwandiri ropa rechibayiro pamwechete nechingwa chine mbiriso. Mafuta ezvibayiro zvamunondibayira pamazuva makuru musaasiye kusvikira mangwana.
19“Mbesanwa dzinotanga kuibva dzokutangatanga dzacho, uya nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wako. Usabike hwayana kana mbudzana nomukaka wamai vayo.
Zvitsidzo nezvirayirwa
20“Chinzwai, ndava kutuma mutumwa wangu achakutungamirirai, achikuchengetai murwendo, anondokusvitsai kunyika yandakakugadzirirai. 21Muteererei muite zvaanoreva, regai kumupandukira, haazokuregererai zvamunenge makanganisa nokuti ndini ndamutuma muzita rangu. 22Asi imi mukanyatsoteerera zvaanoreva, muchiita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi wavavengi venyu, nemhandu yemhandu dzenyu. 23Ndinodaro nokuti mutumwa wangu achakutungamirirai, achikusvitsai kuvaAmori, navaHiti navaPerizi navaKanani navaHivhi navaJebhusi, vandichaparadza. 24Musapfugamire vamwari vavo, kana kuvanamata, kunyange kutevedzera zviito zvavanhu ivavo. Asi nyatsoputsai zvifananidzo zvavo zvokunamata, muparadze shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo. 25Namatai ini Tenzi, Mwari wenyu. Ini ndinozokukomborerai ndichikupai zvokudya nemvura, ndichibvisa zvirwere pakati penyu. 26Hapachazova nomukadzi anobva pamuviri, kana kushaya mbereko. Ndichakupai upenyu hurefu. 27Kwamunoenda kwose, ndichaita kuti vafanova mbwende nokukutyai, ndichadzungaidza ndudzi dzoko. Vavengi venyu vose ndichaita kuti vakufuratirei vati ware kutiza. 28Ndichatyisidzira vavengi vaHivhi navaKanani navaHiti vagoti ware kukutizai savanhu varumwa namago. 29Handizovadzinga vose negore rimwechete nokuti kana ndikadaro nyika ingasare isina vanhu, zvikara zvikakuwandirai. 30Kashoma nakashoma ndichafanokudzingirai vanhu ivava kudzamara imi mazova vazhinji, nyika maiita yenyu. 31Miganho yenyu ichatangira pagungwa Dzvuku kundosvika kugungwa ravaFirisitia, ichitangirawo murenje kundosvika muna Yufuratesi, nokuti ndichaisa vagari venyika iyoyo mumaoko enyu. 32Musaite chitenderano navo, kana navamwari vavo. 33Musarege vanhu ivavo vachigara munyika menyu, vangadaro vakazokufurirai mukazonditadzira nokuti kana mukanamata vamwari vavo kuteyiwa chaiko kwamatoitwa.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 23: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda