Kubuda 4
4
Mwari anopa Mosesi masimba okuita zviratidzo zvinoshamisa
1Mosesi akapindura achiti, “Ko, kana vaIsiraeri vakaramba kubvuma zvandichareva vasinganditeereri vachiti, ‘Inhema, Tenzi haana kuzviratidza kwauri, panozoitwa sei?’ ”
2Tenzi akamuti, “Ko chii chaunacho muruoko icho?” Akati, “Itsvimbo.”
3Mwari ndokuti, “Ikande pasi.” Akaikanda pasi ikasanduka ikava nyoka Mosesi ndokubva ava kuitiza. 4Tenzi akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako uibate nokumuswe kwayo.” Mosesi akaibata ikava tsvimbo zvakare. 5Mwari ndokuti, “Kana ukandoita izvozvi vaIsiraeri vachabvuma kuti ndakazviratidza kwauri ini Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu. Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.”
6Tenzi akatizve, “Isa ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaisa ruoko rwake muhanzu nechapadundundu. Paakaruburitsa, akaona rwangoti mbe-e kuchena, rwava namaperembudzi. 7Mwari akati, “Isazve ruoko rwako muhanzu dzako nechapadundundu pako.” Mosesi akaita saizvozvo, akazoruburitsa wanei rwanyatsopora, rwaita sezvakangoitawo muviri wake. 8Mwari akati, “Kana vachinge varamba kubvuma zvauchareva, kana kugamuchira chiratidzo chokutanga, zvimwe vachanzwa zvinoreva chiratidzo chechipiri. 9Kana vakaramba kugamuchira zviratidzo izvi zviri zviviri, kana kuramba kunzwa zvauchareva, teka mvura muna Nairi uidururire pasi pakaoma mvura iyoyo yaunenge wateka muna Nairi ichasanduka kuva ropa pasi ipapo.”
10Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.”
11Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? 12Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.”
13Asi Mosesi akati, “Ndapota zvangu Tenzi wangu, tumai zvenyu mumwe munhu!”
14Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru. 15Iwe unofanira kumuudza zvokundotaura. Paunenge uchitaura iwe, napaanenge achitaurawo iye, ndichakubatsirai ndichikurayiridzai zvokuita. 16Ndiye anenge achikusvitsira mashoko kuvanhu, ari iye muromo wako. Iwe unenge wakaita saMwari kwaari. 17Chienda wakabata tsvimbo iyi, ndiyo yauchaita nayo zviratidzo zvinoshamisa.”
Kudzokera kwaMosesi kuIjipiti
18Mosesi akadzokera kuna vatezvara vake vaJetero ndokusvikoti, “Ndibvumireiwo kudzokera kuIjipiti kundoona hama dzangu kuti vapenyu here.” Jetero akati kuna Mosesi, “Zvakanaka, enda hako.”
19Mosesi paakanga achiri kunyika yeMidhiani, Tenzi akataura kwaari achiti, “Chidzokera zvako kuIjipiti nokuti vanhu vose vaida kukuuraya vakafa.” 20Nokudaro Mosesi akatora mudzimai wake navana vake vakomana akavakwidza padhongi, ndokubva vapinda munzira kudzokera kuIjipiti. Mosesi akatora tsvimbo yaMwari akaenda akaibata muruoko.
21Tenzi akati kuna Mosesi, “Zvino kana wadzokera kuIjipiti, ibva wandoitira Farao pameso pake zvishamiso zviya zvose zvandakakupa simba rokuita. Asi ndichaita kuti Farao aomese mwoyo, arege kubvumira vaIsiraeri kubva munyika make. 22Iwe unofanira kundotaurira Farao kuti, ‘Zvanzi naTenzi: Isiraeri ndiye mwanakomana wangu wedangwe. 23Zvino ndinoti rega mwanakomana wangu Isiraeri aende kundondinamata. Asi iwe uri kuramba. Chinzwa, ini ndichaurayawo mwanakomana wako wedangwe.’ ”
24Vari pane imwewo nzvimbo pavakavata vachiri murwendo, Tenzi akasangana naMosesi akada kumuuraya. 25Ipapo Zipora mudzimai waMosesi akatora ibwe rinopinza akadzingisa mwanakomana wake. Akagunzva kumakumbo kwaMosesi nenhengo yaakanga abvisa pakudzingisa ikoku achiti, “Zvechokwadi ndichinemi somurume wangu nokuda kweropa iri.” 26Mwari ndokubva amuregera. Chakakonzera mudzimai uyu kuti ati, “Ndichinemi somurume wangu nokuda kweropa iri,” kwaiva kudzingisa ikoku.
27Tenzi akataurira Aroni kuti, “Enda undochingura Mosesi kurenje.” Aroni akandosangana naMosesi pagomo raMwari, akamukwazisa achimutsvoda. 28Mosesi akaudza Aroni mashoko aTenzi aakatumwa nawo kuIjipiti, akamutaurirawo zviratidzo zvose zvaakaudzwa kundoita. 29Mosesi naAroni vakaenda vakandokokorodza vakuru vakuru vose vavaIsiraeri. 30Ipapo Aroni akavaudza mashoko ose akanga ataurirwa Mosesi naTenzi, akaita zviratidzo zvose zviya vaIsiraeri vachiona, 31Vanhu vakabva vabvuma. Pavakanzwa kuti Tenzi akashanyira vaIsiraeri, akaonawo kutambudzika kwavo, vakakotamisa misoro kwaari vakapfugama kumunamata.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.