Ezekieri 1
1
Kusuma
1Zvakaitika kuti mugore rechimakumi matatu mumwedzi wechina pazuva rechishanu romwedzi iwoyo pandakanga ndiri pakati penhapwa pedyo nerwizi rweKebhari, denga rakazaruka ndikaona zviratidzo zvaMwari. 2Pazuva reshanu romwedzi iwoyo (muri mugore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoyakini), 3izwi raTenzi rakauya kumupristi Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, munyika yavaKaradhea pedyo nerwizi rweKebhari, izvozvo simba roruoko rwaTenzi rakava paari ikoko.
Chigaro chaTenzi choumambo
4Ndakatarisa, onei hero dutu remhepo richibva kuchamhembe uye negore guru nomoto wainjenjema nechiedza chaipenya kwazvo kuritenderedza. Moto wairamba uchingovavaya, izvozvo mukati memoto makaita sendarira. 5Zvino mukati macho makabuda zvimwe zvinhu zvina zvakaita sezvisikwa zvipenyu. Chimiro chazvo chakanga chakadai seizvi, zvakanga zvakaita savanhu. 6Asi chimwe nechimwe chazvo chaiva nezviso zvina uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. 7Makumbo azvo aiva akati twasu uye tsoka dzamakumbo azvo dzakanga dzakaita samazondo emhuru dzichipenya sendarira yakakwenenzverwa. 8Pasi pamapapiro azvo, kumativi mana azvo, zvaiva namaoko omunhu. Pahuna hwazvo, uso hwazvo namapapiro azvo zvakanga zvakamira zvakadai sezvizvi: 9mapapiro azvo akanga akagumana chimwe nechimwe chazvo chaingofamba chakananga pachakananga chichienda chisingatsauki.
10Uso hwazvo hwaitarisika sezvizvi: chimwe nechimwe pahuna hwazvo, chaiva nouso hwomunhu.#1:10 Hwomunhu: Pandima iyoyi iyi vamwe vanoti zvaiva nouso hwomunhu mberi nouso hwegondo shure. Pahuna hwazvo ihwohu zvaiva nouso hweshumba nechokurudyi kwazvo, zviri zvina kudaro zvaiva nouso hwemombe kuruboshwe uye pahuna hwazvo kudaro zviine uso hwegondo. 11Ndizvo zvakanga zvakaita uso hwazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa mudenga, chimwe, nechimwe, chezvisikwa izvozvo chaiva namapapiro maviri zvakagumana mapapiro izvozvo namamwe maviri zvakafukidza muviri wazvo. 12Zvino chimwe nechimwe chaifamba chakananga pachakananga zvichienda kwose kwose kwainge kuchienda mweya, zvaienda zvisingatsauki.
13Zvinhu izvozvo zvanga zvakaita samazimbe ari kubhebha nomoto, semazhenje omoto, kana kuti semwenje unovheya-vheya pakati pezvinhu zvipenyu zviya. Moto wacho wakanga uchipenya, mheni yaivaima mauri. 14Zvinhu zvipenyu zviya zvaimhanya-mhanyawo sokupenya kwemheni.
15Zvino ndakati ndatarisa zvisikwa zvipenyu zviya ndikaona chimwe chezvipenyu izvozvo paine vhiri rimwechete. 16Mamiriro akanga akaita mavhiri iwaya namagadzirirwo awo ndeaya: Kutarisika kwawo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. Ari mana kudaro akanga akafanana. Magadzirirwo awo aiva akaita sevhiri mukati merimwe vhiri. 17Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo, achienda zvisingatendeuki. 18Mavhiri mana iwaya aiva namarhimu nezvipokisi. Marhimu awo akanga akazara namaziso kutenderera. 19Zvisikwa zvipenyu zviya pazvaifamba mavhiri aifambawo ari pamativi pazvo. Paisumukawo zvinhu zvipenyu izvozvo mudenga zvichibva pasi mavhiri acho aisumukawo mudenga. 20Kwose zvako kwainge kuchienda mweya izvo zvaiendawo, mavhiri acho aibva angosumukawo pamwechete nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo wakanga uri mumavhiri. 21Hwaingova hwese, zvichiti kwazvaenda, iwo oendawo, zvikamira iwo omirawo, pazvaisumuka mudenga kubva pasi, iwo mavhiri aisumukawo nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo waiva mumavhiri acho.
22Pamusoro pezvisikwa zvipenyu izvozvo paiva nechimwe chakaita seziendanakuenda romudenga, chakati ngwe-e kuchena sekirisitaru yakati chinga chinga pamusoro pazvo. 23Izvozvo pasi pedenga racho mapapiro azvo akanga akatambanudzwa zvakatwasuka akatarisana uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro maviri akafukidza muviri wacho. 24Zvisikwa zvipenyu izvi zvaiti zvikafamba, ini ndonzwa kubhabhama kwamapapiro azvo soruzha rwemvura zhinji, sokudhiriridza kwaiye Aripagomo, murikitira zvawo wemhomho unenge zhwerendende regurusvusvu rehondo. Zvaiti zvikati mbikiti kumira, mapapiro zvoati pasi regedzerei. 25Paibva pabva izwi raibva muziendanakuenda romudenga pamusoro pazvo, izvo zvakati mbikiti kumira kudaro, mapapiro zvakati pasi regedzerei saizvozvo.
26Nechapamusorowo muziendanakuenda pakaonekwa chimwe chainge chigaro choumambo ibwe rinokosha resafaya rakaita sechigaro choushe pakanga pakagarwa nechimwe chinhu chine chimiro chinenge chomunhu. 27Kubvira mainge muchiuno chake zvichikwira ndakaona chinenge ndarira yainjenjemera somoto wakachitenderedza. Kubvawo mainge muchiuno macho zvichidzika ndakaona chainge moto. Uye kwakanga kwangoti ngwe-e kuchena kumutenderedza. 28Sezvakangoita muraraungu mumakore pamusi wemvura ndokuonekwa kwaita chiedza kutenderera.
Ikoku ndokutarisika kwaiita kupenya kokuvapo kwaTenzi. Zvino ini pandakakuona ndakati pasi zvambarara ndikabva ndanzwa izwi romumwe aitaura.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: