Ezekieri 2
2
Kudaidzwa naTenzi kwaEzekieri kuzova muporofita
1Iye akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mira namakumbo ako nditaure newe.” 2Paakataura kwandiri, Mweya wakapinda mandiri akandisimudza ndikamira namakumbo angu ndikamunzwa achitaura kwandiri. 3Akati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu ndinokutuma kuvanhu veIsiraeri, kurudzi rwemhandupandu dzavanhu vakandipandukira. Ivo namadzibaba avo vagara vari vanhu vokundipandukira kusvikira pari nhasi. 4Vanhu vakaoma musoro; ndambakuudzwa dzavanhu, ndavakukutuma kwavari undovataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari 5‘Vangarege kuteerera pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vakapanduka. Vangateerere kana kuti vachaziva kuti panga pane muporofita pakati pavo.’ 6Iwe mwnakomana womunhu usavatye kana kutya zvavanotaura, kunyange zvazvo kwauri vari rukato neminzwa sokunge ugere pamusoro pamarize usatye zvavanotaura kana kutyiswa nokutarisika kwavo nokuti imba yakapanduka. 7Uchandovataurira mazwi angu kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera nokuti imba yakapanduka. 8Asi iwe mwanakomana womunhu teerera zvandinokutaurira, usapanduke semba iyi yakapanduka, shama muromo wako udye chandinokupa. 9Ndakati tarisei, onei ruoko rwakanga rwatambanudzwa kwandiri, wonei muruoko macho maiva nebhuku rokumononora rakanyorwa. 10Akaritambanudza pamberi pangu; raiva rakanyorwa seri neseri. Mariri makanga makanyorwa mazwi okuchema nokuungudza nokuyambira.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: