Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 13

13
Chiporofita chinonangana navaporofita venhema
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati, 2“Iwe mwanakomana womunhu chiporofita uchiyambira vaporofita veIsiraeri vari kuporofita. Uti kune vari kuporofita zvomusoro wavo, chinzwai izwi raTenzi.” 3Zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichakuwanai imi mapenzi evaporofita vanotevera zvomusoro wavo vasina chavaona. 4Vaporofita vako iwe Isiraeri vakaita samakava mukati mematongo. 5Hamuna imi kukwira kunzvimbo dzakakoromoka kana kuvakirira norusvingo imba yaIsiraeri kuitira kuti igonewo kurwisa muhondo pazuva raTenzi. 6Vanotaura zvemanyepo vachishopera zvenhema vachiti zvanzi naTenzi iye Tenzi asina kuvatuma. Izvozvo vanenge vachitarisira kuti Mwari achazadzisa zvavanenge vataura. 7Munoonaka imi chiratidzo chemanyepo muchishopera kutaura zvenhando pose pamunoti zvanzi naTenzi ini ndisina hangu chandataura?”
8Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti imi munotaura zvenhema, muchiona zvinhu zvenhando, naizvozvo chionai ini ndavakuita zvinorwisana nemi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 9Ini noruoko rwangu ndichaonana navaporofita ivavo vanoona zviratidzo zvamanyepo vachishopera zvenhando. Havasi kuzombofa vava mudare ravanhu vangu kana kunyorwa mazita mubhuku remba yaIsiraeri kunyange kutsika munyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi Mwari.
10“Honguka nokuti vakatungamirira vanhu vangu kusiri iko vachiti rugare irwo rugare rwacho pasina, uyewo nokuti vanhu pavakavaka rusvingo, vaporofita ivava ava vaibvawo varudzurura nesuko. 11Taurirai vari kurudzurura nesuko kuti ruchakoromoka. Kuchava namafashamo emvura yokunaya uye chimvuramahwe chikuru chichanaya; dutu remhepo richivhuvhuta. 12Zvino pachaputsika rusvingo irworwo, hamuzonzi here iko kudzurura kwenyu kuripi?”
13Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichavhuvhutisa dutu remhepo ndakashatirwa, pachaita mafashamo emvura ndashatirwa uye chimvuramahwe chikuru chokuparadza pamusana pehasha dzangu. 14Ndichaparadza rusvingo irworwo rwamakadzurura nesuko runyatsoti pasi ngondongondo zvokuti ugaro hwarwo huchanyatsoti pachena charavanda. Kana rwawa muchaparara mukati marwo. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.
15“Ndomapedzero andichaita ushungushungu hwangu parusvingo irworwu napavanhu vacho vanenge varudzurura nesuko. Ndipo pandichakutaurirai kuti hakuchisina rusvingo rwuya, kana vanyakurudzurura vaya, 16vaporofita veIsiraeri vakaporofita nezveJerusaremu vachirionera zviratidzo zvorugare ipo rugare pasina.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
Chiporofita chinonangana navaporofita venhema vechikadzi
17“Zvino iwe mwanakomana womunhu, chinangana navakadzi vavanhu vokwako vanoporofita zvomusoro wavo. Nangana navo uporofite uchiti 18zvanzi naTenzi Mwari, zvichakuwanai imi vakadzi munosonera mazango pamaoko ose avanhu muchisona madhuku anoenderana nemisoro yamazera ose avanhu kuri kuvhima mweya yavanhu. Munoda kuva nesimba pamusoro poupenyu norufu rwavanhu vangu kuti zvikupundutsei nhai! 19Makandishora pakati pevanhu muchiitira kuti muwane tsama dzebhari nezvimedu zvechingwa muchiuraya vanhu vasina kukodzera kufa asi muchirega vanhu vakakodzera kufa vari vapenyu nenhema dzenyu dzamunonyepera vanhu vangu vanoteerera nhema.”
20Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, “Ndakanangana zvino namazango enyu amunosevenzesa kuva nesimba pamusoro poupenyu norufu rwavanhu seshiri. Ndabvarura mazango iwayo pamusoro poupenyu norufu mumaoko menyu ndiite kuti mweya yavanhu vamuine simba ravo vabhururuke vaende zvavo seshiri. 21Madhuku enyu iwayo ndichaabvarura ndichiabvisa ndigonunura vanhu vangu mumaoko menyu varege kuva senyama yamagora mumaoko menyu. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.
22“Pamusana pokuti makaodza mwoyo mururami namanyepo kunyange zvazvo ini ndakanga ndisina kumuodza mwoyo mukakurudzira akaipa kuti arege kutendeuka achisiya gwara rake rakaipa kuti azviponesewo upenyu; 23naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuzomboshoperazve. Ndichanunura vanhu vangu mumaoko menyu. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 13: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda