Ezekieri 3
3
1Akanditizve, “Mwanakomana womunhu idya zvauri kupiwa izvo. Idya bhuku rokumononora iri uende undotaura kumba yeIsiraeri.” 2Saizvozvo ndakashama muromo akandipa bhuku rokumononora kuti ndidye. 3Akatizve kwandiri, “Iwe munhu idya bhuku iri rokumononora randiri kukupa uzadze dumbu rako naro.” Ipapo ndakaridya, mukanwa mangu umu raitapira souchi.
4Akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu chienda kumba yaIsiraeri utaure kwavari namazwi angu aya. 5Chiripo ndechokutika handisi kukutuma kune vanhu vanotaura chirudzi kana mumwe mutauro wakaoma, asi kuti kumba yaIsiraeri, 6kusiri kumarudzi mazhinji anotaura chirudzi, kana mumwe mutauro wakaoma una mazwi ausingagoni kunzwisisa. Kuri kuti chaizvoizvo ndakutuma kuvanhu vakaita saivavo vaikunzwa. 7Asi imba yokwaIsiraeri haikunzwi nokuti havadi kunditeerera nokuti imba yose yokwaIsiraeri yakaoma musoro, indambakuudzwa dzavanhu. 8Chinzwa ndinokupa uso hune chivindi chokutarisana navo ndichiita kuti uomeserane navo musoro. 9Ndaita kuti uve nomusoro wakaoma kuti papata chaizvo seibwe romusarasara. Rega kumbovatya kana kuzeza mutarisiro wavo nokuti imba yemhandupandu dzavanhu.”
10Uyezve akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichakutaurira agamuchire mumwoyo mako, uanzwe nenzeve dzako, 11ugoenda kunhapwa kuvanhu vokwako undovati ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari kunyange vakanzwa kana zvavo vakaramba kunzwa.”
12Ipapo Mweya wakandisumudza, ndikabva ndanzwa mushure mangu kudhiriridza kukuru kwokundengendeka zvichinzi, “Mbiri yaMwari ngairumbidzwe munzvimbo yake.” 13Izvozvo kwakanga kuri kubhabhama kwemapapiro achirovana ezvisikwa zvipenyu zviya, uyewo nokuriridza kwamavhiri aya pamativi azvo kwaidhiriridza sokundengendeka kukuru. 14Mweya wakandisumudza mudenga saizvozvo akaenda neni ndikaenda mweya wangu uchishungurudzwa kwazvo neshungu. Izvozvo simba roruoko rwaTenzi rakandibata kwazvo. 15Ndakasvika kuTerabhibhi kunhapwa dzaiva dzigere parwizi rwaKebhari. Ndakagarapo pakati pavo kwamazuva manomwe ndakadumbirwa nazvo.
Kudaidzwa kwaEzekieri kuti ave nharirire
16Kuzoti kwapera mazuva manomwe, shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, 17“Iwe mwanakomana womunhu ndakuita nharirire yemba yaIsiraeri. Paunongonzwa chete shoko randinoreva nomuromo wangu, unofanira kuti uvape yambiro yangu. 18Kana ndikati akaipa, uchafa, zvirokwazvo iwe ukarega kumuyambira kana kunyevera akaipa kuti akande pasi nzira yake yakaipa kuitirawo kuti azviponese upenyu, munhu akaipa iyeyo achafira muuipi hwake, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndinoipa iwe. 19Asi kana uchinge wayambira akaipa iyeyo, iye agorega zvake kutendeuka kuuipi hwake kana munzira yake yakaipa, achafira muuipi hwake ihwohwo, asi iwe unenge wanunura mweya wako.
20“Uyezve kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita zvakaipa, ini ndikamuisira chibingamupinyi achafa pamusana pokuti unenge usina kumupa yambiro achafira chitadzo chake ichocho, mabasa ake akarurama aya aakamboita haazomborangarirwa, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndichaipa iwe. 21Asi kana ukayambira munhu akarurama iyeyo kuti arege kupara chitadzo, iye akarega kuita chitadzo, kurarama achatorarama nokuti akateerera kuyambirwa. Iwe uchazviponesawo upenyu.”
I: JERUSAREMU ISATI YAKOMBWA
Ezekieri anoitwa chimumumu
22Ruoko rwaTenzi rwakanga ruri pamusoro pangu, akabva ati kwandiri, “Chisimuka uende kubani! Ndichataura newe ikoko.” 23Saizvozvowo ndakasimuka ndikaenda kubani, onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kumire pakadaro apo sokupenya kuya kwandakaona pedyo nerwizi rwaKebhari ndikabva ndati pasi zvambarara uso. 24Asi Mweya akapinda mandiri akandimisa namakumbo akataura neni achiti, “Chienda undozvipfigira mumba mako. 25Iwe mwanakomana womunhu uchasungwa netambo zvokutadza kubuda mukati mavanhu. 26Ndichaita kuti rurimi rwako runamatire mukanwa mako zvokuti uchava chimumumu ugotadza kuvadzora nokuti imba yavanhu vakapanduka. 27Asi kana ndataura kwauri ndichakuzarurira misuo; unofanira kuti zvanzi naTenzi, ‘Anenge achikunzwa ngaanzwe. Anenge asingade kunzwa ngaarege zvake nokuti imba yakapanduka.’
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.