Ezira 3
3
VaJudha vakatangazve kunamata patemberi yaTenzi
1Pakazosvika mwedzi wechinomwe vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta. Vanhu vakaungana muJerusaremu vaine pfungwa imwe. 2Ndopazosimuka Jeshua mwanakomana waJozadhaki nevamwe vake vapristi naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri pamwechete nehama dzake vakandovaka atari yaMwari weIsiraeri yokupirira mipiro yokupisa pairi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi, munhu waMwari. 3Vakagadzira atari panzvimbo payo nokuti vaitya vanhu vomunyikamo. Vakapirapo mipiro yokupisa kuna Mwari, iri mipiro yokupisa mangwanani nemanheru. 4Vakachengeta Mazuva Makuru eMatumba sokunyorwa kwazvakaitwa vachipira mipiro yokupisa yemazuva ose. Uwandi hwayo huchifambiranawo nezviri pamurao sezvainge zvichidiwa pazuva nepazuva. 5Vakazopirawo mipiro yokupisa inoramba iripo nemipiro yepakugara kwemwedzi nepamazuva makuru ose akatemwa aTenzi nemipiro yomunhu wose zvake yokupa kuna Tenzi nechido. 6Kubvira pamusi wokutanga wemwedzi wechinomwe vakabva vatangisa kupira kuna Tenzi mipiro yokupisa. Izvozvo ugaro hwemba yaTenzi hwakanga husati hwavakwa.
Kutanga kuvaka Temberi patsva
7Nokudaro vakapa mari kune vokuvaka nemabwe nokuvavezi. Vakapawo chokudya nechokunwa namafuta eorivhi kune vokuSidhoni nevokuTire kuti vatore mapango omusidhari kuRebhanoni vachiaunza kugungwa oendeswa kuJopa maererano nemvumo yavakanga vapiwa naSairosi mambo wePezhiya. 8Mugore rechipiri rokuuya kwavo kumba yaMwari kuJerusaremu, mumwedzi wechipiri, Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki vakatanga kuvaka pamwechete nehama dzavo vapristi nevaRevhi nevamwe vose vakanga vadzoka kuJerusaremu vachibva kuutapwa. Vakasarudza vamwe vevaRevhi vaibvira pamakore makumi maviri zvichikwira kuti vave vakuru vakuru vokuona nezvebasa remba yaTenzi. 9Jeshua navanakomana vake nehama dzake pamwechete naKadhimieri navanakomanawo vake, vechizvarwa chokwaJudha, ndivo vakasimuka vova vokuona nezvevashandi vebasa remba yaMwari pamwechete navanakomana vokwaHenadhadhi nevaRevhi navanawo vavo vakomana nehama dzavo.
10Vokuvaka pavakavaka ugaro hweTemberi yaTenzi, ndopazosimukawo vapristi vakapfeka magemenzi avo nemabhosvo ukuwo vaRevhi navanakomana vaAsafi vaine makwakwakwa outare kuzorumbidza Tenzi semarongerwo azvakanga zvaitwa naDhavhidhi mambo weIsiraeri. 11Vakaimba vachidairana vachitenda nokurumbidza Tenzi vachiti
“Nokuti wakanaka uye nokuti
mwoyochena wake hauperi kuvaIsiraeri.”
Izvozvo vanhu vose vaidaidzira kwazvo vachirumbidza Tenzi nokuti ugaro hwemba yaTenzi hwakanga hwavakwa. 12Asi vazhinji vevapristi nevaRevhi navatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo pavakaona ugaro hwemba iyoyi huchivakwa, vakahwihwidza kuchema zvinotonzwika kunyange zvazvo vamwe vaichema nokufara 13zvokuti vanhu havana kumbogona kuziva kuti kuchema uku ndokwekufara here kana kuti vari kuchema nokuti paizhambwa ipapo izwi richinzwika nokoko kure.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: