Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezira 4

4
Makakatanwa akamuka okurwisa kuti Temberi irege kuvakwa
1Vavengi vavanhu vokwaJudha nokwaBhenjamini pavakanzwa zvino kuti vanhu vokumbotapwa vakadzoka vaye vari kuvakira Tenzi, Mwari weIsiraeri Temberi, 2vakaenda kuna Zerubhabhero nevatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba vakati kwavari, “Hatingavakewo here nemi nokuti isu tinotsvakawo Mwari wenyu kungoitawo imi uye tanga tichingopira zvibayiro kwaari kubvira panguva yaEsarihadhoni mambo weAsiria nyakutiuyisa kuno.”
3Asi Zerubhabhero naJeshua navamwe vose vatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba omuIsiraeri vakati kwavari, “Hazvinei nemi kuti isu tiri kuvakira Mwari wedu imba! Asi kutoti iyesu toga ndisu iyesu tichavakira Tenzi, Mwari weIsiraeri sokuudzwa kwatakaitwa namambo Sairosi, mambo wePezhiya.”
4Vanhu vomunyika umu vakaodza mwoyo vanhu vokwaJudha vachivapinza mukutya kuvaka 5vachivakokera mamwe makurukota okuita zvokubhadhara kuti zvavaida zviparare mazuva ose aSairosi mambo wePezhiya kunyangovawo nomumazuva aDhariosi mambo wePezhiya.
Gakava rakambomisa Jerusaremu kuvakwa patsva
6Kuzoti Ahashieroshi ava kutonga, achangotangisa kutonga vakanyora mhosva dzokupomera vagari vemaJudha neJerusaremu.
7Panguva yaAtakizesesi, Bhishiramu naMitiredhati naTabhieri navamwe vavo vose vechikwata chavo vakanyorera Atakizesesi mambo wePezhiya tsamba yakanyorwa nomutauro wechiArameiki ikaturikirwa.#4:7 ikaturikirwa Vamwe vanoti, “Tsamba yakanyorwa nemavara echiArameiki mururimi rwechiArameiki.”
8Mumwe mutongi ainzi Rehumu nomunyori Shimushai vakanyorera mambo Atakizesesi tsamba yokupomera Jerusaremu mhosva sezvizvi vachiti;
9“Ndisu vanaRehumu
mutongi nomunyori, Shimushai nevamwe vose
vechikwata chedu pamwechete navatongi
namasadunhu navakuru vakuru vechiPezhiya
navarume vokuEreki novokuBhabhironi
uye varume vokuSusa,
ndivo vaEramu ivavo,
10pamwechete navemamwe marudzi ose
aye vakatapwa navakuru vakuru vokumba huru
Osinaparu akagariswa kuSamaria nokuna mamwe
maruwa ose enyika dziri Mhiri kweRwizi.”
11(Iyoyi ndiyo tsamba yavakatumira vachiti), “Ndisu varanda venyu vokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi tanyorera imi mambo Atakizesesi tichikukwazisai.
12“Tingade kuti imi mambo muzive kuti vaJudha vakabva kwamuri vachiuya kwatiri vakasvikoenda kuJerusaremu. Vari kutovaka guta riye roumhandupandu nouipi. Vava kutopedza tsvingo dzacho nokugadziridzawo ugaro hwaro. 13Tati tikurumei nzeve mambo muzive zvenyu kuti guta irori rikangovakwa chete, tsvingo dzaro dzapera, havasi kuzobvisa mutero kana zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange mutero wenzira nezvoupfumi hwokwamambo hauzowanika. 14Zvino pamusana pokuti tinodya zvomumuzinda tinozviona zvisinganake kuzotarisa zvedu mambo achishorwa. Ndokusaka tati tifane takurumai nzeve, 15kuitira kuti nyaya iyi imbotariswa muBhuku reZvinyorwa zvamadzibaba enyu. Muchazviwana muBhuku reZvainyorwa iroro mugoziva kuti guta irori iguta rechimurenga, munzwa zvawo chaiwo uri mundove kumadzimambo nokunyika dzaiva pasi paro. Vanhu vakangogara nokugara vari kusokana mweya woupanduki. Ndochakapawani kuti guta irori riparadzwe. 16Ndokusaka tati izvozvi zvisvikewo munzeve dzamambo, zvokuti guta iroro rikavakwa, tsvingo dzaro dzikapera, chenyuwo munyika dziri pasi penyu Mhiri kuno kweRwizi rwaYufuratesi, panenge pasisina.”
17Mambo akatumira mhinduro achiti,
“Netsamba yangu iyi imi mutongi Rehumu
nomunyori Shimushai
navamwe vose vechikwata chenyu vanogara kuSamaria
nokumwe kwose mumaruwa enyika
iri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi,
ndinokukwazisai.
18Zvino tsamba yamakatitumira
ndakanyatsoiverengerwa
19ndikatema chirevo kukatsvakwa
zvikawanika kuti guta irori chingo nechingo
rakangogara riri rokumukira madzimambo
uye kuti imomo zvechimurenga
nokusokana mweya zvoupanduki zvakatoitwa.
20Uye muJerusaremu makamboita madzimambo
ane simba guru kwazvo
vakatombotongawo maruwa ose
enyika dziri kuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi
kwavari kuchitoendeswawo mutero nezvirehwarehwa
zvokwamambo pamwechete nomutero wenzira.
21Saka chitemerai vanhu ivavo
chirevo chokuti vabva vamiswa uye
kuti guta irori rirege kuvakwa
kusvikira ini ndatozotema chirevo.
22Mochichenjera,
murege zvechinono panyaya iyoyi.
Umharadzi hwakadaro hungaregererweiko
huchikura zvokuzosiya hwarozva mambo?”
23Kuzoti tsamba yamambo Atakizesesi payakazoverengerwa Rehumu naShimushai munyori nevechikwata chavo vakabva vaita zvechimbichimbi kuenda kuJerusaremu kuvaJudha. Vakabva vaita zvokuvamanikidza nechisimba kuvamisa.
Kutangazve kuvaka Temberi kwakaita vaJudha (515—520 KAA)
24Basa remba yaMwari iri kuJerusarmu rakabva rambomira rakadaro. Rakamira rakadaro kusvikira gore rechipiri rokutonga kwaDhariusi mambo wePezhiya.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezira 4: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda