Ezira 5
5
1Ndipo pakazoporofita vaporofita vanaHagai naZekariya mwanakomana waIdho kuvaJudha vaiva kwaJudha neJerusaremu muzita raMwari weIsiraeri akanga ari pavari. 2Ndipo pakazosimuka Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua mwanakomana waJozadhaki votangazve kuvaka imba yaMwari iri muJerusaremu vachibatsirwa navaporofita vaMwari vavaiva navo.
3Panguva yakareyo kwakauya Tatenai zisadunhu remaruwa ose enyika dziri kumhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai pamwechete nevechikwata chavo vakavavinga vakataura kwavari vachiti, “Chirevo chokuti imi muvake imba iyi nezvamava kuvaka izvi chabva kuna ani? 4Saizvozvo tinodawo kunzwa kuti mazita evarume vari kuvaka imba iyoyi iyi ndivanaani?” 5Asi ziso raMwari wavo rakanga riri pavakuru vakuru vevaJudha zvokuti havana kumbovamisa kusvikira shoko ratosvitswa kuna Dhariusi uye iyewo atotumira tsamba yokuvapindura panyaya iyoyi. 6Ino iyi ndotsamba yakanyorwa naTatenai zisadunhu renyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi naShetaribhozenai nevechikwata chavo nevatongi vokunyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ikoko ikatumirwa kuna mambo Dhariusi. 7Vakamutumira tsamba yakanga yakanyorwa kunzi,
“Netsamba yeduwo
iyi mambo Dhariusi tinokukwazisai.
8Tingade kuti imi mambo muzivewo
kuti takaenda kunyika yokwaJudha
pamba yaMwari mukuru.
Iri mukuvakwa izvozvi namabwe makuru,
mapango akatowarikwa mumadziro umu.
Basa irori riri kunyatsoenderera mberi
kuri kuitwa chipatapata.
9Takabvunza vakuru vakuru ivavo
tikataura navo tichiti,
‘Ndiani akakutemerai
chirevo chokuti imi muvake imba
iyi uye kuti mupedzese
zvamuri kuvaka izvi chabva kuna ani?’
10Takavabvunzawo mazita avo,
tichiitira kuti imi muzive tigonyora mazita
avarume vari kutungamirira vacho.
11Mhinduro yavakatipindura ndeyiyi
vakati,
‘Isu tiri varanda vaMwari Wedenga napasi.
Tiri kuvaka zvakare imba yakambovakwa
nomumwe mambo weIsiraeri makore mazhinji akapfuura ikatopera.
12Asi pamusana pokuti madzibaba edu
akashatirisa Mwari Wedenga akabva
avaisa mumaoko aNebhukadhinezari
mambo weBhabhironi wechiKaradhia.
Iye akaparadza imba iyoyi akatuta vanhu kuendesa kuBhabhironi.
13Zvakadaro zvazvo,
mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo weBhabhironi,
mambo Sairosi wakareyu akatema chirevo
chokuti imba yaMwari iyoyi ivakwe zvakare.
14Izvozvo midziyo yendarama neyesirivha
yomumba yaMwari yakanga yatorwa naNebhukadhineza
muTemberi yaiva muJerusaremu
ikaendwa nayo kuTemberi yokuBhabhironi,
mambo Sairosi vakaiburitsa mutemberi yeBhabhironi
ikaiswa mumaoko omumwe ainzi Sheshibhaza
waakanga aita sadunhu wacho.’
15Akamuti,
‘Tora midziyo iyi unoiisa muTemberi iri kuJerusaremu
imba yaMwari ivakwe payakanga iri.’
16Ndipo pakauya Sheshibhaza iyeyu akavaka
ugaro hwemba yaMwari iri muJerusaremu.
Kubvira panguva iyoyo kusvikira pari nhasi
ichiri mukuvakwa haisati yapera.
17Naizvozvo kana imi mambo
maonawo kuti pakanaka,
ngakutsvakwe mumba mokuchengetera zvinyorwa zvokwamambo
kuBhabhironi ikoko kuonekwe
kuti mambo Sairosi akapa here chirevo
chokuti imba yaMwari iyoyi
iri muJerusaremu ivakwezve.
Titumireiwo mhinduro yezvamunoda
kuti zviitwe panyaya iyoyi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.