Mavambo 50
50
1Pakarepo Josefi akazviwisira pamubhedha paiva nababa vake akavatsvoda achihwihwidza kuchema. 2Josefi akarayira vanhu vaiita basa rokuomesa zvitunha kuti vanyatsoomesa chitunha chababa vake Isiraeri. Vanhu ivavo vakaita saizvozvo. 3Basa rokuomesa chitunha raida mazuva makumi mana. Saka ava vakaomesa chitunha chaIsiraeri vakapedza mazuva makumi mana vachiita basa racho. VaIjipiti vakachema Jakobho mazuva makumi manomwe.
4Kuzoti mazuva okuvachema apera, Josefi akataura namachinda aFarao achiti, “Kana mandinzwirawo tsitsi ndisvitsireiwo shoko kuna mambo Farao muchiti, 5baba vangu vakati, ‘Ini ndava kufa. Ndine guva rangu randakagadzira riri kunyika yeKanani. Zvino iwe nditsidzire kuti uchazondiviga muguva iroro.’ Saka zvino ndibvumireiwo kuti ndiende kundoviga baba vangu ndigozodzoka zvangu kuno.”
6Farao akati, “Enda zvako undoviga baba vako sokutsidzirana kwawakaita navo.”
7Josefi akaenda kundoviga baba vake. Akwirako namakurukota ose aFarao namachinda ake navakuru vakuru vose vemuIjipiti. 8Akaendawo navanhu vose vemba yake nehama dzake navamwe vemhuri yababa vake. Asi vana vavo nezvipfuwo zvavo zvose ndizvo zvakasara kuGosheni. 9Vakaenda vaine ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi, vari boka guru guru kwazvo.
10Vakasvika paburiro repaAtadhi riri kumhiri kwaJorodhani, vakachema vari ipapo vachiungudza nokuchema kukuru. Josefi akapedza mazuva manomwe ari ipapo achingochema baba vake. 11Vanhu venyika iyoyo, vaKanani pavakaona muchemero iwoyo waiitwa paburiro repaAtadhi, vakati, “Aiwa kuchema kuri kuitwa navaIjipiti kwakakura zvisingatauriki.” Naizvozvo vakatumidza buriro racho zita rokuti Kuchema kwavaIjipiti.#50:11 Kuchema kwavaIjipiti: MuchiHebheru zita iri rinonzi Abheromitsiraimu. Buriro iroro riri kumhiri kwaJorodhani.
12Vana vaJakobho vakaita zvavakanga varayirwa nababa wavo. 13Vakavatakura vakaenda navo kunyika yeKanani. Vakandovaviga nechokumabvazuva kweMamure mubako romugura repaMakipera, guru rakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti riri pakatarisana nokuMamure kuti rive nzvimbo yavo yokuviga vanhu. 14Josefi akaviga baba vake ndokudzokera kuIjipiti pamwechete nehama dzake navose vakanga vaenda naye.
Josefi anoregerera vakoma vake achivadzikamisawo mwoyo
15Vakoma vaJosefi zvavakaona kuti baba vavo vafa vakakurukurirana vachiti, “Zvimwe Josefi achiri kutivenga, zvimwe ari kuronga twaanoronga kutsiva zvakaipa zvose zvatakamuitira, hatizive.” 16Naizvozvo vakatumira Josefi shoko vachiti, “Baba venyu vakasiya vati 17mundoudza Josefi kuti, ‘Ndinokumbira kuti uregererewo vakoma vako zvitadzo nezvakaipa zvavakaita nokuti vakakuitira zvakaipa.’ Saka isu varanda vaMwari wababa venyu tinoti, tapota tiregerereiwo zvatakutadzirai.”
18Vakoma vake vakazouyawo vakamugwadamira vachiti, “Onai isu tiri varanda venyu.” 19Josefi akavati, “Musatye zvenyu. Ko munoti ini ndiri Mwari here? 20Kunyange zvazvo imi makandiitira bangano rakaipa, Mwari akarishandisa kuita zvakanaka zvaaida zvokuponesa vanhu vazhinji, sezvazviri nhasi uno. 21Naizvozvo musatye zvenyu. Ini ndichakuchengetai mose navana venyu.” Josefi akavanyaradza achitaura mashoko okuvadzikamisa mwoyo.
Kufa kwaJosefi
22Josefi nemhuri yababa vake vakagara muIjipiti, akazofa ava nezana ramakore rina makore gumi. 23Josefi akaona vana navazukuru vaEfuremu. Akaonawo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaberekwa achiripo. 24Josefi akazotaurira hama dzake kuti, “Ini ndava kufa. Asi Mwari achakushanyirai, achazokutamisai munyika ino agoenda nemi kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho.” 25Josefi akataurira vaIsiraeri kuti, “Ichokwadi kuti Mwari achakushanyirai. Saka imi tsidzai kuti muchatakura mutumbi wangu muchiendawo nawo.” 26Josefi akafa ava nezana ramakore rine makore gumi. Vanhu vakaomesa chitunha chake vakachiisa mubhokisi muIjipiti imomo.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 50: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.