Habhakuku 1
1
I: KUTAURIRANA KWOMUPOROFITA HABHAKUKU NAMWARI WAKE
1Chirevo chaMwari chakaonekwa nomuporofita Habhakuku.
Kunyunyutira Mwari kwaHabhakuku nezvoruenzaniso
2Nhai TENZI,
kusvikira rinhi chaizvo
ndichingochemera rubatsiro,
imi musingateereri?
Kana kuchema kwamuri kuti,
“Ko utsinyeka uhu!”
Asi imi musinganunuri?
3Chamunondionesera zvakaipa chii
imi kusarurama muchikuona zvenyu?
Kuparadza noutsinye zvatarisana neni,
gakava nokunetsana zvinomuka.
4Saka mutemo waita zinyekenyeke
uye hapasisina ruenzaniso runoitwa
nokuti vakaipa vanokomberana varurami
saka ruenzaniso rwava kuminamiswa.
Mhinduro yaTENZI
5“Zvino chitarisai muone mukati memarudzi
zvichatokushamisai zvigokukatyamadzai
nokuti ndiri kuita basa
mumazuva enyu
rokuti kana mukarinzwa hamumboribvumi.
6Nokuti chiripo ndechichi, kuti
ndiri kunyandutsa vaKaridhea,
rudzi rwakaipa mwoyo ruya,
rudzi rwavanhu akarikiriki
vanobvongodza nyika yose
kundopamba misha isiyavo.
7Vanotyisa uye vanodederesa.
Kutonga kwavo ndokwomusoro wavo.
Ukuru hwavo ndohwokuzvipa.
8“Mabhiza avo, kumhanya,
mbada dzinosara pasi
achityisa kupinda mhumhi dzinofamba usiku
varwi vavo vamabhiza
vanokakatika vachizvikudza.
Heeka, varwi vavo vamabhiza
vanobva kure
vachibhururuka segondo
risingatani kudya.
9“Chavanovinga vose zvavo kuzorwisa,
chavananga ndichocho, havadzokeri shure
vanounganidza nhapwa sejecha.
10Vanofifida kuseka madzimambo,
vatongi vanoita zvokutotamba navo.
Vanotoseka guta rese retsvingo
nokuti vanoriitira chimutundurundu chevhu
chinenge musana wenzou
vobva varitora zvavo.
11Vobvapo, heyo mhepo
kuenda mberi,
vanhu vane mhosva,
simba ravo vanoritora sokunge mwari wavo.”
Kunyunyutirazve TENZI kwaHabhakuku
12Inga wani ndimi Chidzachapo
nhai TENZI, Mwari wangu,
Anoera wangu.
Isu hatisi kuzofa#1:12 Kuzofa: vamwe vanoti, “Imi hamumbofa makafa.”
Inga imi TENZI
makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso
imi Dombo,
ndimi makaita kuti vasimbarare
kuti vave vokuranga.
13Maziso enyu akaruramisisisa
zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa.
Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka.
Munodarirei kungotarisa zvenyu
vanhu vasina kutendeka
kana iko kunyarara kwenyu
muipi achimedza akarurama kupinda iye?
14Nokuti vanhu munovaita kuti vave
sehove dzegungwa,
sezvinhu zvinokambaira
zvisina mutongi.
15Anoraura nechirauro
ozvikukudza nomumbure wavo
anozviti unge unge mumambure avo
agopembera kwazvo kufara.
16Naizvozvo anobayira chibayiro
kumimbure yake,
opisira rusenzi kumambure ake
ndizvo zvinomupa kugarika
uye nezvokudya zvakawanda.
17Ko ivo vacharambokutura
mimbure yavo
vachingouraya zvisina tsitsi
marudzi avanhu nokusingaperi here?
Zvasarudzwa nguva ino
Habhakuku 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Habhakuku 1
1
I: KUTAURIRANA KWOMUPOROFITA HABHAKUKU NAMWARI WAKE
1Chirevo chaMwari chakaonekwa nomuporofita Habhakuku.
Kunyunyutira Mwari kwaHabhakuku nezvoruenzaniso
2Nhai TENZI,
kusvikira rinhi chaizvo
ndichingochemera rubatsiro,
imi musingateereri?
Kana kuchema kwamuri kuti,
“Ko utsinyeka uhu!”
Asi imi musinganunuri?
3Chamunondionesera zvakaipa chii
imi kusarurama muchikuona zvenyu?
Kuparadza noutsinye zvatarisana neni,
gakava nokunetsana zvinomuka.
4Saka mutemo waita zinyekenyeke
uye hapasisina ruenzaniso runoitwa
nokuti vakaipa vanokomberana varurami
saka ruenzaniso rwava kuminamiswa.
Mhinduro yaTENZI
5“Zvino chitarisai muone mukati memarudzi
zvichatokushamisai zvigokukatyamadzai
nokuti ndiri kuita basa
mumazuva enyu
rokuti kana mukarinzwa hamumboribvumi.
6Nokuti chiripo ndechichi, kuti
ndiri kunyandutsa vaKaridhea,
rudzi rwakaipa mwoyo ruya,
rudzi rwavanhu akarikiriki
vanobvongodza nyika yose
kundopamba misha isiyavo.
7Vanotyisa uye vanodederesa.
Kutonga kwavo ndokwomusoro wavo.
Ukuru hwavo ndohwokuzvipa.
8“Mabhiza avo, kumhanya,
mbada dzinosara pasi
achityisa kupinda mhumhi dzinofamba usiku
varwi vavo vamabhiza
vanokakatika vachizvikudza.
Heeka, varwi vavo vamabhiza
vanobva kure
vachibhururuka segondo
risingatani kudya.
9“Chavanovinga vose zvavo kuzorwisa,
chavananga ndichocho, havadzokeri shure
vanounganidza nhapwa sejecha.
10Vanofifida kuseka madzimambo,
vatongi vanoita zvokutotamba navo.
Vanotoseka guta rese retsvingo
nokuti vanoriitira chimutundurundu chevhu
chinenge musana wenzou
vobva varitora zvavo.
11Vobvapo, heyo mhepo
kuenda mberi,
vanhu vane mhosva,
simba ravo vanoritora sokunge mwari wavo.”
Kunyunyutirazve TENZI kwaHabhakuku
12Inga wani ndimi Chidzachapo
nhai TENZI, Mwari wangu,
Anoera wangu.
Isu hatisi kuzofa#1:12 Kuzofa: vamwe vanoti, “Imi hamumbofa makafa.”
Inga imi TENZI
makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso
imi Dombo,
ndimi makaita kuti vasimbarare
kuti vave vokuranga.
13Maziso enyu akaruramisisisa
zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa.
Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka.
Munodarirei kungotarisa zvenyu
vanhu vasina kutendeka
kana iko kunyarara kwenyu
muipi achimedza akarurama kupinda iye?
14Nokuti vanhu munovaita kuti vave
sehove dzegungwa,
sezvinhu zvinokambaira
zvisina mutongi.
15Anoraura nechirauro
ozvikukudza nomumbure wavo
anozviti unge unge mumambure avo
agopembera kwazvo kufara.
16Naizvozvo anobayira chibayiro
kumimbure yake,
opisira rusenzi kumambure ake
ndizvo zvinomupa kugarika
uye nezvokudya zvakawanda.
17Ko ivo vacharambokutura
mimbure yavo
vachingouraya zvisina tsitsi
marudzi avanhu nokusingaperi here?
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.