Habhakuku 2
2
1Ndichaenda panzvimbo pangu
pokutarisira ndiri
ndigova panharirire ndakagaririra
ndione kuti achanditaurira kuti kudii.
Uyewo kuti ini ndichapindurei
nezvokunyunyuta kwangu.
2Akandipindura akati,
“Nyora chiratidzo ichi
uite kuti chinyatsoonekwa
chiri pamafendefa
kuitira kuti anoverenga
averengewo achimhanya
3nokuti chiratidzo ichocho
chinomiririra nguva yacho yakatemwa
chiri kumhanyira kumagumo acho;
haasi manyepo.
Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire
zvokuitika, zvinotoitika chete
hazvisikuzombononoka.
4Chinzwa,
‘Munhu ane mwoyo usina kururama
munhu iyeyo achakundikana
asi akarurama
achararama nokutendeseka#2:4 Nokutendeseka: kana kuti nokutendera kwake. kwake.’ ”
II: JAMBWA RINOPINZWA MUNHU ANOONESA VAMWE NHAMO
5Uyewo upfumi hunonyengedza,
anozvitutumadza haaregi kurangwa.
Makaro ake aanawo
inzvimbo yakapamhamha seyavachakabvu,
sorufu haambofa akati ndaguta.
Anozvikokorodzera
ndudzi dzavanhu dzose
achizviunganidzira
marudzi avanhu ose
kuaita ake.
6Vose ivava havazomuka here kumunyomba
vachimushora vachimusveeredza vachiti,
“Zvichamuwana zvake.
Anounganidza zvisizvake,
kusvikira rinhiko izvozvi?
Zvichamuperera iye anotakurana
nezvitsidzo zvakawanda!”
Majambwa mashanu
– 1 –
7Ivo vane ngava newe
havazoerekana vakupandukira here
kana kumukirwa navamwe, vangazokudederesa
ukava nyama yamagora kwavari?
8Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro,
vanosara mumarudzi ose iwayo,
vachakupambawo iyewe
kutsividza ropa ravanhu
noutsinye ihwohwo pasi pano,
kumaguta nokuvanhu vose vageremo.
– 2 –
9Zvichamuwana munhu anowanira
imba yake zvinhu nenzira yakaipa
kuti azvivakire dendere rake pamusoro
kuti arege kusvikwa nezvinokuvadza.
10Wakafumura imba yako
nokuuraya vanhu vakawanda
ukazvirasisa upenyu hwako
11nokuti ibwe richaridza mhere
mumadziro
uye kumapango uku
nhungo dzigodairawo.
– 3 –
12Zvichamuwana zvake munhu
anovaka guta neropa
kana kutanga guta pahwaro hwouipi.
13Handiti zvinobva kuna
TENZI wehondo nehondo here
zvokuti vanhu vanoshingairira
zvinhu zvinozopiswa zvazvo nomoto
marudzi achizvinetesera pasina?
14Nokuti pasi pano pachazara
noruzivo rwembiri yaTENZI,
sokuzadza kunoita mvura gungwa.
– 4 –
15Zvichamuwana munhu anoraradzisa vamwe vake
nomukombe wehasha dzake
achivaita kuti vadhakwe kuti avaonerere.
16Uchazvimbirwa iwe nokushorwa
panze pokuwana mbiri.
Newewo inwa zvako udzadzarike!#2:16 Udzadzarike: chiHebheru chinotiwo, “Iwe usina kudzingiswa.”
Uchasvika napauri
mukombe uri murudyi rwaTENZI,
mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako.
17Utsinye hwawakaita kuRebhanoni
huchakupfukira,
kuparadza kwawakaita mhuka
kuchakutyisa,
pamusana pokudeura ropa ravanhu
noutsinye hwawakaita pasi pano
kumaguta nokuvagari vemo vose.
– 5 –
18Chifananidzo chokunamata,
ndechebasa rei chaizvo,
icho chakatoitwawo zvacho nomunhu;
kana chifananidzo chokunamata chesimbi
chinodzidzisa nhema?
Nokuti anochigadzira wacho
anovimba nezvaanenge aita,
anoita zvifananidzo zvokunamata
zvisingatauri.
19Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho,
“Domukaiwo nhai,”
neanoti kudombo zvaro risingataure,
“Dosimukai.”
Zvingavewo here nechinhu
chazvingagone kuzivisa munhu?
Zvamunoona kuti
chakanamirirwa ndarama kana sirivha
uye machiri icho
hamuna kana mweya unofema.
20Asi TENZI,
ari muTemberi yake Inoera,
pasi pose ngapati mwiro kunyarara
pamberi pake.
Zvasarudzwa nguva ino
Habhakuku 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Habhakuku 2
2
1Ndichaenda panzvimbo pangu
pokutarisira ndiri
ndigova panharirire ndakagaririra
ndione kuti achanditaurira kuti kudii.
Uyewo kuti ini ndichapindurei
nezvokunyunyuta kwangu.
2Akandipindura akati,
“Nyora chiratidzo ichi
uite kuti chinyatsoonekwa
chiri pamafendefa
kuitira kuti anoverenga
averengewo achimhanya
3nokuti chiratidzo ichocho
chinomiririra nguva yacho yakatemwa
chiri kumhanyira kumagumo acho;
haasi manyepo.
Kunyange zvikaita sezvononoka, zvimirire
zvokuitika, zvinotoitika chete
hazvisikuzombononoka.
4Chinzwa,
‘Munhu ane mwoyo usina kururama
munhu iyeyo achakundikana
asi akarurama
achararama nokutendeseka#2:4 Nokutendeseka: kana kuti nokutendera kwake. kwake.’ ”
II: JAMBWA RINOPINZWA MUNHU ANOONESA VAMWE NHAMO
5Uyewo upfumi hunonyengedza,
anozvitutumadza haaregi kurangwa.
Makaro ake aanawo
inzvimbo yakapamhamha seyavachakabvu,
sorufu haambofa akati ndaguta.
Anozvikokorodzera
ndudzi dzavanhu dzose
achizviunganidzira
marudzi avanhu ose
kuaita ake.
6Vose ivava havazomuka here kumunyomba
vachimushora vachimusveeredza vachiti,
“Zvichamuwana zvake.
Anounganidza zvisizvake,
kusvikira rinhiko izvozvi?
Zvichamuperera iye anotakurana
nezvitsidzo zvakawanda!”
Majambwa mashanu
– 1 –
7Ivo vane ngava newe
havazoerekana vakupandukira here
kana kumukirwa navamwe, vangazokudederesa
ukava nyama yamagora kwavari?
8Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro,
vanosara mumarudzi ose iwayo,
vachakupambawo iyewe
kutsividza ropa ravanhu
noutsinye ihwohwo pasi pano,
kumaguta nokuvanhu vose vageremo.
– 2 –
9Zvichamuwana munhu anowanira
imba yake zvinhu nenzira yakaipa
kuti azvivakire dendere rake pamusoro
kuti arege kusvikwa nezvinokuvadza.
10Wakafumura imba yako
nokuuraya vanhu vakawanda
ukazvirasisa upenyu hwako
11nokuti ibwe richaridza mhere
mumadziro
uye kumapango uku
nhungo dzigodairawo.
– 3 –
12Zvichamuwana zvake munhu
anovaka guta neropa
kana kutanga guta pahwaro hwouipi.
13Handiti zvinobva kuna
TENZI wehondo nehondo here
zvokuti vanhu vanoshingairira
zvinhu zvinozopiswa zvazvo nomoto
marudzi achizvinetesera pasina?
14Nokuti pasi pano pachazara
noruzivo rwembiri yaTENZI,
sokuzadza kunoita mvura gungwa.
– 4 –
15Zvichamuwana munhu anoraradzisa vamwe vake
nomukombe wehasha dzake
achivaita kuti vadhakwe kuti avaonerere.
16Uchazvimbirwa iwe nokushorwa
panze pokuwana mbiri.
Newewo inwa zvako udzadzarike!#2:16 Udzadzarike: chiHebheru chinotiwo, “Iwe usina kudzingiswa.”
Uchasvika napauri
mukombe uri murudyi rwaTENZI,
mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako.
17Utsinye hwawakaita kuRebhanoni
huchakupfukira,
kuparadza kwawakaita mhuka
kuchakutyisa,
pamusana pokudeura ropa ravanhu
noutsinye hwawakaita pasi pano
kumaguta nokuvagari vemo vose.
– 5 –
18Chifananidzo chokunamata,
ndechebasa rei chaizvo,
icho chakatoitwawo zvacho nomunhu;
kana chifananidzo chokunamata chesimbi
chinodzidzisa nhema?
Nokuti anochigadzira wacho
anovimba nezvaanenge aita,
anoita zvifananidzo zvokunamata
zvisingatauri.
19Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho,
“Domukaiwo nhai,”
neanoti kudombo zvaro risingataure,
“Dosimukai.”
Zvingavewo here nechinhu
chazvingagone kuzivisa munhu?
Zvamunoona kuti
chakanamirirwa ndarama kana sirivha
uye machiri icho
hamuna kana mweya unofema.
20Asi TENZI,
ari muTemberi yake Inoera,
pasi pose ngapati mwiro kunyarara
pamberi pake.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.