VaHebheru 9
9
Nzvimbo tsvene yapasi neyokudenga
1Kunyange chitenderano chokutanga chaivewo nemirau yezvokunamata uye Nzvimbo Tsvene pasi pano. 2Nokuti tende yakagadzirwa, yokunze, mairi maiva nechigadzikiro chemwenje netafura, nezvingwa zvakapirwa kuna Mwari, yainzi NzvimboTsvene. 3Seri kwejira rokudzikatirisa rechipiri kwaiva netendhe inonzi Nzvimbo Tsvene Inoeresesa, 4yaiva neAtari yorusenzi yendarama, nebhokisi rechitenderano rakanamirwa nendarama. Maivawo nomudziyo wendarama wakanga uine Mana; kozouya tsvimbo yaAroni iya yakambotungira mashizha; kozoti mafendefa echitenderano. 5Pamusoro pebhokisi rechitenderano paiva namakerubhu embiri akanga akahwamira hwidibiro yebhokisi rechitenderano. Panguva ino iyi hapasiripo patingagone kutaura pamusoro pezvizvi tichinyatsotsetsenura.
6Marongerwo ezvinhu izvi akamira akadaizvi: vapristi vanopinda nguva dzose muNzvimbo Tsvene yokunze vachiita basa ravo asi mutendhe yechipiri 7munopindwa nomupristi mukuru chete, kamwechete pagore. Kuti apindemo anofanira kuti atakure ropa raanopirira zvikanganiso zvake nezvavanhu. 8Namamiriro ezvinhu akadai, Mweya Mutsvene anoratidza kuti nzira inopinda muNzvimbo Inoeresesa haisati yazarurwa kana tendhe yokunze ichiripo. 9Uyu waiva muenzaniso wakananga zvenguva ino. Samamiriro akaita zvinhu izvi, zvipo nezvibayiro zvinopirwa asi hazvigone kunatsa hana yaanopira wacho, 10nokuti izvi zvakangorerekera kunezvokudya nezvokunwa, nezvokushamba kwakasiyana–siyana, nezvomirau yakananga zvemuviri yakaiswa kusvikira nguva yokuvandudzwa kwezvinhu kuti zvive zvitsva yasvika.
11Asi pakazouya Kristu, mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakauya, akapfuura nomutendhe rine ukuru huri nani norunako irinani, isina kuitwa namaoko avanhu zvichireva kuti haisi yapanyika pano. 12Akapinda muNzvimbo Inoeresesa chakamwe. Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru asi kuti nerake pachake, akatiwanira kununurwa kusingaperi. 13Kana ropa rembudzi nerenzombe nedota retsiru zvinomwaiwa vanenge van'ora zvichivachenura mukun'ora kwenyama, 14ko kutozoti ropa raKristu asina chinoshoreka akazvipira nokuna Mweya nyakugara aripo, rinochenesa zvakadii hana dzenyu kubva kumabasa akafa kuti mushandire Mwari mupenyu.
Jesu anosimbisa chitenderano chitsva neropa rake
15Naizvozvo Kristu ndiye mukumbanidzi panyaya yechitenderano chitsva kuti avo vakadaidzwa vagamuchire chivimbiso chenhaka isingaperi nokuti pakafiwa rufu apa runovanunura kumhaka dzavakapara vari pasi pechitenderano chechiposhi. 16Kana pane zvakanyorwawo nomufi zvenhaka, panotofanira kuzivikanwa kuti akanyora zvenhaka akafa here kana kuti kwete. 17Nokuti zvakanyorwa zvenhaka zvinotanga kuva nebasa pakufa. Hazvigoni kuva nebasa iye akazvinyora achiri mupenyu. 18Nokudaro kunyange chitenderano chokutanga chakatosimbiswa neropa. 19Ndokusaka, Mosesi paakapedza kutaurira vanhu vose mirao iri mumutemo, akatora ropa remhuru nerembudzi pamwe nemvura akazvisasa pagwaro roMutemo napavanhu vose achisevenzesa wuru tsvuku nekasanzu kemuhisopo; achiti, 20“Iri iropa rechitenderano chamakatemerwa naMwari.” 21Nenzira imwecheteyo akamwaya ropa tendhe nemidziyo yose yaishandiswa pakupira. 22Uye maererano nomutemo tingangoti zvinhu zvose zvinochenurwa chete neropa. Pasina kudeurwa kweropa hapana kuregererwa kwezvitadzo.
23Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yakanga ichifanira kuchenurwa nemipiro iyi, asi izvo zvinhu zvokudenga pachazvo zvakanga zvichifanira kuchenurwa nezvibayiro zviri nani. 24Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakagadzirwa namaoko yakanga iri mufananidzo weiya yechokwadi asi akapinda mudenga chaimo imomo kuti iye zvino ave pana Mwari achimiririra isu. 25Kristu haana kupinda ruzhinji–zhinji muNzvimbo Inoeresesa kundozviita chibayiro sezvinoita mupristi mukuru anopindamo gore rimwe nerimwe neropa risiri rake. 26Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji–zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake. 27Izvi zvakangogara zvakatemwa kuti munhu anofanira kufa kamwechete; mushure mokufa kunouya kutongwa. 28Ndozvimwechetezvo naKristu akaitwa chibayiro kamwechete kuti atakure zvitadzo zvavazhinji. Achazouyazve kechipiri. Apa anenge asisinei nezvechitadzo asi kuzoponesa avo vakamumirira.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 9: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.