Isaya 36
36
Kutyisidzira kwakaitwa Jerusaremu neAsiria
(2 Madzi 18:13–27; 2 Nhor 32:1–24)
1Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira. 2Mambo weAsiria akatuma mutariri mukuru wezvomumuzinda make nehondo huru kubva kuRakishi kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu. Akasvikomira padyo nomugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokuMunda woMusuki waMachira. 3Kwakabuda Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru, Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu. 4Mutariri mukuru uya wezvomumuzinda akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’ 5Ndiri kuti iko kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti ndiro simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuvimba naye zvawava kutondipandukira kudai? 6Zvino, chinzwa, uri kuvimba neIjipiti norutsanga zvarwo urwo rwakatyoka, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
7“Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi. Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi.’ 8Zvino mochipikirana natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here? 9Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurokota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisa iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti uwane ngoro dzehondo navachairi. 10Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nyika ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ”
11Eriakimu naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Regai zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.”
12Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda akati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo izvozvi varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo?”
13Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo oshevedzera chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe mashoko amambo mukuru, mambo weAsiria. 14Zvanzi namambo, ‘Regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanisi kukununurai. 15Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko amambo wavaAsiria.’
16“Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei mubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya zvake muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya zvake michero yomuonde wake, munhu wose achinwa mvura yomutsime rake, 17kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi.
“Nyika yembesanwa newaini
nyika yechingwa neminda yemagirepisi.
18Chenjererai. Hezekiya uyu angadaro akakufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ Pamarudzi ose, pana mwari here akanunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria? 19‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’ Ko vamwari vokuSefarivhaimu varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko mangu here? 20Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko mangu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?”
21Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.” 22Ipapo Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya vabvarura hanzu. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 36: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.