Jemusi 2
2
Rusaruro rwakaipa
1Hama dzangu musave norusarura, imi muine chitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wembiri. 2Ngatitii munhu ane mhete dzendarama, akapfeka hanzu dzakanakisisa anouya pasangano penyu. Munhu murombo akapfeka marengenya ouyawo 3imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.” 4Hamuna here kuita rusaruro pakati penyu muchiva vatongi vane pfungwa dzakaipa. 5Teererai, hama dzangu dzadiwa. Mwari haana kusarudza here varombo panyika kuti vave vapfumi muchitendero uye vagari venhaka youmambo hwaakatsidzira vanomuda. 6Asi imi munoshora murombo. Vapfumi havasirivo here vanokudzvanyirirai uye havasirivo vanokukwekweretserai kumatare here? 7Havasirivo vanoshonha here zita rinoremekedzwa ramunodaidzwa naro?
8Kana mukazadzisa mutemo woumambo maererano namagwaro matsvene unoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munoita zvakanaka. 9Asi mukaratidza rusaruro, munopara chitadzo uye munopihwa mhosva nomutemo savatyori vomutemo 10nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose. 11Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo. 12Kutaura nokuita kwenyu zviitei savanhu vachatongwa nomutemo worusununguko 13nokuti kutonga hakuna tsitsi kune munhu asinawo kuratidza tsitsi. Asi kune vakaratidza tsitsi kutonga hakuna zvakunovaita.
Chitendero china mabasa
14Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? 15Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose, 16mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei. 17Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa.
18Mumwe angati “Iwe une chitendero ini ndina mabasa. Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa ini namabasa angu ndikuratidze chitendero changu.” 19Unotenda kuti Mwari mumwechete unoita zvakanaka. Kunyange mweya yakaipa inotendawo kudaro ichitodedera. 20Nhaiwe benzi romunhu, unoda here kuziva kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero? 21Abhurahamu baba vedu havana kururamiswa namabasa here pavakapira mwanakomana wavo Isaki paatari. 22Unozviona kuti chitendero chavo namabasa avo zvaishanda pamwechete, chitendero chakazadzikiswa namabasa. 23Magwaro Matsvene akabva azadziswa anoti, “Abhurahamu vakatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama akanzi shamwari yaMwari.” 24Munozvionawo kuti munhu anoruramiswa namabasa kwete nechitendero choga. 25Handizvo zvimwechetezvo here nepfambi Rahabhu yakaruramiswa namabasa payakagamuchira vasori ikavaendesa neimwe nzira? 26Nokuti ndizvo zvakaita muviri, kana usina mweya wakafa; saizvozvowo chitendero chisina mabasa chakafa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jemusi 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.