Vatongi 12
12
VokwaEfuraimu vanomukira Jefuta
1Vanhu vokwaEfuraimu vakaunganirana hondo, vakayambukira kuZafoni vakati kuna Jefuta, “Wakayambukireiko kundorwisa vaAmoni usina kutidaidza kuti tiende pamwechete newe? Tinoda kukupisira mumba mako nomoto.”
2Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takava negakava redaka chairo navaAmoni. Ndakakudaidzaika imi, asi hamuna kuzondinunura mumaoko avo. 3Pandakaona imi musina kuzondinunura, ndakangoti chauya chauya ndotozvionera chokuita, ndikayambukira vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu. Zvino chamazouyira nhasi uno kuzondirwisa chii?” 4Jefuta akaunganidza vanhu vose vomuGireadhi akarwisana nevokwaEfuraimu akavarakasha nokuti vokwaEfuraimu vakanga vaburitsa muromo wokuti “Imi vaGireadhi muri vapanduki vakatobva zvavo kwaEfuraimu, vasokeri, makangoti bvochowo kugara pakati pevokwaEfuraimu nevokwaManase!” 5VokuGireadhi vakandomira kumazambuko aJorodhani okuenda kwaEfuraimu. Munhu wokwaEfuraimu ainge apunyuka muhondo akati, “Ndingayambukewo here?” Vanhu vokuGireadhi vaimuti, “Uri wedzinza rokwaEfuraimu here?” Kana aipindura achiti, “Kwete.” 6Ivo vaimuti iti, “Shibhoreti.” Iye aikanganisa kuritaura oti, “Sibhoreti” achitadza kuridudza, vaibva vamubata, vomuuraya pazambuko pakarepo. Zviuru makumi mana nezviviri zvekwaEfuraimu zvakaurayiwa nguva iyoyo.
7Jefuta akatonga vaIsiraeri kwamakore matanhatu. Jefuta wokuGireadhi akazofawo ndokuvigwa muguta rake muGireadhi.
10. Mutongi Ibhuzani
8Mushure maJefuta, Ibhuzani wokuBheterehemu ndiye akatonga Isiraeri. 9Akanga aina vana vakomana makumi matatu navana, vasikana makumi matatu. Akaroodza vanasikana vake kune vamwe vasiri vedzinza rake. Akaroorera vanakomana vake vakadzi makumi matatu vasiri vedzinza rake. Ibhuzani akatonga Isiraeri makore manomwe. 10Ibhuzani akazofa akavigwa kuBheterehemu.
11. Mutongi Eroni
11Mushure maIbhuzani, Eroni wokwaZebhuruni ndiye akatonga Isiraeri kwegumi ramakore. 12Eroni wokwaZebhuruni akazofa, akavigwa kuAijaroni munyika yakwaZebhuruni.
12. Mutongi Abhudhoni
13Shure kwaEroni, Abhudhoni mwanakomana waHireri wokuPiratoni ndiye akatonga Isiraeri. 14Aiva navana vakomana makumi mana, navazukuru vechikomana makumi matatu vaitasva makumi manomwe amadhongi. Akatonga Isiraeri kwamakore masere. 15Abhudhoni mwanakomana waHireri, wokuPiratoni, akazofa, akavigwa kuPiratoni kunyika yokwaEfuraimu, munyika yamakomo yavaAmareki.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.