Vatongi 17
17
IV: ZVIMWEWO ZVOMUBHUKU RAVATONGI
1. NZVIMBO DZOKUNAMATIRA, YAMIKA, neyokwaDHANI
Vamwari vaMika
1Munyika yokwaEfuraimu yamakomo makanga muine mumwe murume ainzi Mika. 2Akati kuna amai vake, “Chiuru chiya nezana rimwechete remari yesirivha zvamakabirwa, mukarengerera rushambwa nyakuitora wacho ndichinzwa mufungeka, ndini ndakaitora.”
Amai vake ndokuti, “Mwanangu, dai Tenzi akachikukomborera zvake.” 3Akadzosera amai vake chiuru chiya nezana rimwechete rezvidimbu zvesirivha. Amai vake vakati, “Ini nemwoyo wangu wose ndinoturira kuna Tenzi sirivha iyi ndichireverera mwana wangu kuti kugadzirwe chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha. Zvino ndochikudzosera sirivha iyoyo.”
4Paakadzosera amai vake mari iyi, vakatora mazana maviri ezvidimbu zvesirivha ndokupa kune mupfuri wesirivha. Iye akagadzira chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha, chikaiswa mumba maMika.
5Mika uyu aiva nemba yebanya#17:5 Yebanya: Kana kuti Dendamaro. mokunamatira vamwari. Akagadzira hanzu yeEfodhi namwari wake anonzi terafimu, akagadza mumwe mwana wake mukomana kuti ave mupristi wake. 6Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake.
7Zvino kwaiva nomumwe murume aiva wechidiki wedzinza rokwaRevhi aimbogara muguta reBheterehemu rokwaJudha. 8Akatama kuBheterehemu rokwaJudha ikoko achindotsvaka pokugara. Ari munzira akasvika mumusha waMika kunyika yaEfuraimu yamakomo. 9Mika akamubvunza achiti, “Unobva kupiko?” Murume uyu ndokuti, “Ndiri muRevhi wokuguta reBheterehemu rokwaJudha. Ndiri kufamba zvangu ndichitsvakawo pokugara.”
10Mika akamuti, “Dai wachigara zvako neni ugova baba nomupristi kwandiri ini ndichikutambirisa zvidimbu zvesirivha gumi pagore, ndichikupawo sutu yokupfeka nechokudya.” Ndokubva muRevhi apinda mumba. 11Saka muRevhi uyu akagutsikana zvake kugara naye. Jaya iri raingoita somumwe wevana vake. 12Mika akagadza jaya iri muRevhi iyeyo, rakava mupristi wake, akagara mumusha maMika. 13Mika akachiti, “iye zvino ndava nechokwadi chokuti Tenzi achaita kuti zvinhu zvindifambire zvakanaka nokuti ndava nomupristi wangu wechiRevhi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 17: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: