Vatongi 18
18
Nyaya yaMika nevedzinza rokwaDhani
1Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Panguva iyoyowo vedzinza rokwaDhani vakanga vachitsvaka nyika yokugara yokuti ive yavo yenhaka. Vaidaro nokuti kusvikira nguva iyoyo vakanga vasati vawana nyika yavo yenhaka pakati pamamwe madzinza evaIsiraeri. 2VokwaDhani vakasarudza varume vashanu nyanzvi chaidzo dzokurwa mumhuri dzavo dzose, vakavatuma kundosora nokumema nyika iyoyo vachibva kuZora nokuEshitaori. Vakavati, “Endai mundomema nyika iyoyo.” Vakaenda kunyika yokwaEfuraimu yamakomo, vakasvikira mumusha waMika vakararamo. 3Vakatsaukira nomumusha maMika nokuti pavakanga vava pedyo nawo vakanzwa mutauriro wejaya rechiRevhi riya vakauziva vakati kwaari, “Ndiani akakuunza kuno? Chii chauri kuita kuno? Basa rako chairo kuno nderei?”
4MuRevhi uyu akavapindura achivarondedzera kuti, “Zvandakaitirwa naMika ndezvizvi nezvizvi nezvizvi, akandikumbira kuti ndimushandire somupristi wake.”
5Ivo vakati kwaari, “Tibvunzireiwo kuna Mwari tizive kuti zvatiri kufambira zvichabudirira here?”
6Mupristi ndokuvati, “Fambai zvenyu zvakanaka, ziso raTenzi riri pamuri nzira yose.”
7Varume vashanu ava vakasimudzira rwendo rwavo, vakasvika kuRaishi. Vakaona vanhu veko vari mumutambaratede zvavo, savanhu vokuSidhoni, vari murunyararo zvavo vasina chavanombofungira, vasina nechinhu chapanyika pano chavanoshaya, vaino upfumi vachigara kure nevaSidhoni uye vasina wavaidyidzana navo.
8Kuzoti vadzokera kuhama dzavo kuZora nokuEshitaori, hama dzavo dzakavati, “Tinyepei tinzwe zvamakandoona.”
9Ivo vakati, “Ngatichitosimukai tiende kundorwisa vanhu ava nokuti nyika iyoyo takaimema tikaona iri nyika yakanaka kwazvo. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba. Regai zvenyu kumboita zvokuverengera kuenda kundopinda munyika iyoyo muitore ive yenyu. 10Kana nemiwo mukaendako muchatoonawo kuti vanhu vasina chavanombofungira zvavo. Nyika iyoyo ziendanakuenda mativi ose. Tenzi aisa mumaoko enyu nyika isina chainoshaya chinowanikwa pasi pano.”
Kutama kwevokwaDhani vachienda kuRaishi
11Ipapo mazana matanhatu avarume vakapakata zvombo zvehondo vakasimuka vachibva kuZora nokuEshitaori. 12Vakakwira vakandodzika matendhe avo munyika yokwaJudha kuKiriatijearimu. Ndokusaka pakazonzi Matendheokwadhani#18:12 MuchiHebheru munoti Mahanedhani. kusvikira pari nhasi. Zvino nzvimbo iyoyo iri kumadokero kweKiriatijearimu. 13Vakabva ipapo vakasimudzira rwendo rwavo voenda kunyika yokwaEfuraimu yamakomo vakandosvika kumusha waMika.
14Varume vashanu vaya vakamboenda kundosora nyika yeRaishi vakati kune vamwe vavo, “Munomboziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi navamwari vanonzi materafimu nechifananidzo chokunamata chokuveza nechimwe chakaumbwa nesimbi? Saka mongozivawoka zvokuita.” 15Vakatsaukiramo vakapinda mumba mejaya riya rechiRevhi mumusha waMika vakakwazisana. 16Izvozvo mazana matanhatu avarume vokwaDhani vakanga vakapakata zvombo zvavo zvehondo vamire kusuo guru remo. 17Varume vashanu vaya vakambondosora nyika iyoyo vakandopinda vakatora chifananidzo chiya chokuveza neefodhi navamwari vaya, materafimu nechifananidzo chakaumbwa nesimbi. Izvozvo mupristi akanga amire kusuo guru, namazana matanhatu akanga akamirawoko akapakata zvombo zvawo zvehondo. 18Pavakapinda mumusha waMika vakatora chifananidzo chokuveza neefodhi namaterafimu vamwari vaya nechifananidzo chokunamata chakaumbwa nesimbi, mupristi akati kwavari, “Chii ichochi chamava kuita?”
19Vakamuti, “Nyarara, usawane chaunomboti bufu, uya tiende tose uve baba nomupristi kwatiri. Chingava nani kwauri ndechipi pane izvi zvokuti, uve mupristi wemhuri yomunhu mumwechete, kana kuti uve mupristi wemhuri dzerimwe dzinza revaIsiraeri?” 20Mupristi akanzwa mwoyo wake kufara, akatora efodhi namaterafimu vamwari vaya nechifananidzo chiya chokuveza ndokuenda ari mukati mavo.
21Vakadzokera munzira vakasimudzira rwendo rwavo ndokutungamidza vana nezvipfuwo nemidziyo yavo. 22Kuzoti vafamba chinhambwe chaicho, vabva pamusha waMika, vavakidzani vaMika vakaunganidzwa vakatevera vokwaDhani, vakavabata. 23Vakadaidzira kune vokwaDhani, vokwaDhani vakacheuka, vakati kuna Mika, “Chii chaicho chakusvota iwe, kutoita zvokutikokerana kudai?”
24Iye akapindura achiti, “Aika, manditorera vamwari vangu vandakagadzira, mukanditorera mupristi mukaenda. Zvino chandasara nacho chii pamungatobvunza zvenyu kuti, ‘Chii chakusvota?’ ”
25VokwaDhani vakati kwaari, “Usatinyaudze, mhoti ungatovingwa izvozvi navane hasha dzisinganonoki vakakupfuudza, ukafa, iwe navanhu vapamana pako ivavo.” 26VokwaDhani ndokubva vati zvakare munzira pindei voenda zvavo. Mika paakaona kuti vane simba kupinda iye, akadzokera zvake kumusha kwake. 27VokwaDhani vakaenda vaine zvifananidzo zviya zvakaumbwa naMika pamwechete nomupristi wake uya. Vakasvika kuRaishi, kuvanhu vane runyararo, vasina zvavo chavanofungidzira, vakavarakatisa namapakatwa vakapisa guta iroro nomoto. 28Hakuna kuwanikwa wokuvanunura nokuti kwaiva kure kwazvo neSidhoni, vakanga vasina wavaidyidzana navo. Guta irori raiva kubani reBhetirehobhu. Vakarivaka patsva, vakagaramo. 29Vakatumidza guta iri zita rokuti Dhani, zita ratateguru wavo Dhani akaberekwa navaIsiraeri. Asi pakutanga, raimbonzi Raishi. 30VokwaDhani ava vakazvimisira chifananidzo chokuveza chiya. Zvino Jonatani mwanakomana waGerishomu mwanakomana waMosesi navana vake vakomana, vaiva vapristi vedzinza rokwaDhani kusvikira zuva rakatapwa vanhu munyika iyoyi.#18:30 Munyika iyoyi: Vamwe vanoti mwana waManase. 31Saka vakamisa chifananidzo chiya chokuveza chakagadzirwa naMika chikavapo nguva yose yakanga imba yaMwari iri kuShiro.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 18: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: