Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 33

33
Chimwe chivimbiso chinopa chitarisiro
1Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya kechipiri paakanga achakapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo 2rikati, zvanzi naTenzi, iye akasika nyika akaiumba akaisimbisa, zita rake ndiYahweh, anoti, 3“Daidzirai kwandiri ndinokupindurai ndichikuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusati mamboziva. 4Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri nezvedzimba dzeguta rino uye nezvemizinda yamadzimambo okwaJudha zvakapazirwa kuti pavakwe zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo yezvimidhuri zvinenge musana wenzou nokubakatwa, 5vaKaridhea vari kuuya muno kuzorwisa nokudzizadza nezvitunha zvavanhu vandicharakatisa ndakatsamwa ndakashatirwa. Chandinodariro ndechokuti guta rino ndakatorifuratira pamusana pouipi hwavo vose. 6Chionai, ndichariwanisa utano nokuriporesa uye ndichavarapa ndichivaonesa kubudirira chaiko kwakanyanya nokuchengetedzeka. 7Ndichachinja utapwa hwevokwaJudha noutapwa hwevokwaIsiraeri, ndichavavaka kuti vaite sezvavaiva pakutanga. 8Ndichavachenura kuuipi hwavo hwose hwavakanditadzira nahwo ndigovaregerera uipi hwavo hwose hwavakanditadzira nahwo nokundipandukira kwavo. 9Jerusaremu ichandiwanisa zita rinopembererwa nokurumbidzwa nembiri kumarudzi ose apasi pano achanzwa zvakanaka zvose zvandinovaitira. Vachatya vakadedereswa nezvakanaka zvacho zvose izvozvo uye pamusana pokubudirira kwandichaiwanisa.”
10Zvanzi naTenzi, munzvimbo ino iyi yaunoti, “Yava dongo risina munhu kana mhuka, imo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu zvaparara izvi zvisisina munhu ageremo kana mhuka, muchatozonzwikazve 11chikwe-e chokuseka nemheremhere yokufara neyokupemberera mwenga nokufarira murume wacho nomumhanzi wevanoimba vachiuya nemipiro yokutenda kumba yaTenzi vachiti:
“Tendai Tenzi wehondo nehondo
nokuti Tenzi akanaka
nokuti mwoyochena wake hauperi!
Ndinodaro nokuti ndichachinja utapwa hwenyika iyoyi igova sapakutanga, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
12Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Munzvimbo ino iyoyi yava dongo risisina munhu kana mhuka nomumaguta ayo ose, muchavazve nemisasa yavafudzi vachizorodza zvavo matanga avo. 13Mumaguta omunyika yamakomo nomumaguta okunyika yokunhika kuShefera uye nomumaguta okuNegevhu nokunyika yokwaBhenjamini munzvimbo dzose dzomunharaunda meJerusaremu nomumaguta okwaJudha, matanga ezvipfuwo achapfuura zvakare napasi poruoko rweanoaverenga ndizvo zviri kutaura Tenzi.
14“Chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya andichazadzisa nawo zvandakavimbisa imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. 15Mumazuva iwayo uye panguva iyoyo, ndichaita kuti rimwe Bukira rakarurama ritunge kuitira Dhavhidhi. Iye achazotonga zvine ruenzaniso nokururama munyika iyoyi. 16Namazuva iwayo nyika yokwaJudha ichaponeswa, Jerusaremu igonyatsogarika. Izvozvo zita raichazenge yava kudaidzwa naro nderiri rokuti: ‘Tenzisakururamakwedu.’ 17Chinodariso ndechokuti zvanzi naTenzi, Dhavhidhi haasi kuzomboshaya murume wokwake wokugara pachigaro choumambo hweIsiraeri 18uye vapristi vechiRevhi havazombofa vashayawo mumwe wokwavo wokupira pandiri mipiro yokupisa uye kupisa mipiro youpfu hwembesanwa nokuita zvibayiro narini wose.”
19Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, 20“Zvanzi naTenzi, kana mukagona kutyora chitenderano changu chandakaitirana nesiku kana chitenderano changu chandakaitirana nesikati zvokuti masikati kana usiku zvibva zvarega kuuya nenguva yazvo yazvakatemerwa, 21kana zvadaro chitenderano changu naDhavhidhi chingatyorwewo zvacho zvokuti haazombofa akava nemwanakomana angazogara pachigaro choumambo hwokwake ndizvo zvimwechetezvo nechitenderano changu navapristi vechiRevhi vashumiri vangu. 22Sezvakangoita gurusvusvu rezvinhu zvomudenga risina angariverenge uye jecha regungwa risingapimiki, izvozvo ndozvandichangoita kuti zvizvarwa zvokwaDhavhidhi muranda wangu zviwande navapristi vechiRevhi vanoshumira kwandiri.”
23Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya richiti, 24“Zviri kutaura vanhu ava hauna kumbozviongororawo here zvokuti, Tenzi akaramba mhuri mbiri dzaakanga asarudza? Ipapo vanozvidza vanhu vangu zvokuti, kutaura kuno, vava kutovaona sorudzi pasina. 25Zvanzi naTenzi, dai ndakanga ndisina kunge ndakaitirana chitenderano nesiku kana nesikati nezvirongwa zvedenga napasi 26ndingadaiwo ndaizoramba zvizvarwa zvokwaJakobho nezvokwaDhavhidhi muranda wangu ndichibva ndarega kuzvisarudzira kana nomumwe zvake wechizvarwa chokwake wokuzotonga vembeu yokwaAbhurahamu naIsaki naJakobho nokuti ndichachinja utapwa hwavo ndichavanzwirawo ngoni.”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 33: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda