Jeremiya 35
35
VokwaRekabhu ndomucherechedzo wokuteerera Mwari
1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mumazuva aJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha richiti: 2“Enda kumba yevokwaRekabhu utaure navo, uuye navo kumba yaTenzi usvikopinda navo mune imwe imba yemo ugovapa waini vanwe.” 3Saizvozvowo ini ndakatora Jaazaniya mwanakomana waJeremiya mwanakomana wokwaHabhaziniya, pamwechete navakoma navanun'una vake navanakomana vake vose nemba yose zvayo yekwaRekabhu. 4Ndakaenda navo kumba kwaTenzi ndikapinda navo mune imwe imba yemo yavanakomana vokwaHanani mwanakomana waIbhudhariya munhu waMwari, imba yaiva pedyo nemba yamachinda pamusoro pemba yokwaMaaseya, mwanakomana waSharumu muchengetedzi wapamusuo. 5Ndakabva ndagadzikira vokwaRekabhu hari dzizere newaini nemikombe ndikati kwavari, “Inwai waini.”
6Asi ivo ndokupindura vachiti, “Hatisi kuzonwa waini nokuti Jonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu akatirayira achiti, ‘Imi hamufanire kunwa waini, imi iyemi kana vana venyu narini wose. 7Hamufaniri kuvaka imba, hamufaniri kudyara mbeu, hamufanirewo kusima kana nomunda wemagirepisi zvawo. Asi kutoti munofanira kugara mumisasa yematendhe mazuva ose oupenyu hwenyu kuitira kuti mugare mazuva akawanda panyika yamunoti apa garei tamei apa garei tamei.’ 8Isu tinoteerera izwi raJonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu pazvinhu zvese zvaakatirayira kuti tirege kunwa waini mazuva ose oupenyu hwedu isu namadzimai edu navanakomana vedu navanasikana vedu, 9uye kuti tirege kuvaka dzimba dzokugara. Hatina kana munda wamagirepisi kana munda zvawo kana mbeu. 10Asi tinogara mumatendhe tichiteerera nokutevedza zvose zvatakanzi tiite naJonadhabhu, baba wedu. 11Asi pakazouya Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuzorwisa nyika ino, takataurirana kuti regai tiende kuJerusaremu kuri kutya hondo yavarwi vechiKaridhea nehondo yevarwi vechiSiria. Saka tigere muJerusaremu kudai.”
12Zvino izwi raTenzi rakabva rauya kuna Jeremiya rikati, 13“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, enda undotaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Hamudi here kunzwa zvandinokuudzai kana kuteerera mazwi angu?’ Ndizvo zviri kubvunza Tenzi. 14Mutemo uya wakatemwa naJonadhabhu mwana waRekabhu waakapa vana vake kuti varege kunwa waini uri kuchengetwa. Havanwi waini kusvikira pari nhasi nokuti vanoteerera mutemo wababa wavo. Ndakataura ndataurazve kwamuri, asi imi hamuna kunditeerera. 15Ndakakutumirai varanda vangu vose, vaporofita, ndichivatuma ndatumazve ndichiti, munhu wose ngaatendeuke asiye nzira dzake dzakaipa, mugadziridze zviito zvenyu, murege kutevedza vamwe vamwari muchivashandira. Ipapo munozogara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu. Asi imi hamuna kurerekera nzeve kana kundinzwa zvako. 16Inga wani vana vokwaJonadhabhu mwanakomana waRekabhu vakachengeta murao wavakatemerwa nababa wavo. Asi vanhu ava havana kunditeerera. 17Ndokusakawo zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri, Chinzwai, ndava kuunzira nyika yokwaJudha navagari vose veJerusaremu nhamo yose yandanga ndati ivawire. Ndinodaro nokuti ndakavaudza asi havana kumboteerera. Ndakavashevedza asi ivo havana kudavira.”
18Asi kune vemba yokwaRekabhu, Jeremiya akati, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuteerera kwamunoita mutemo wababa wenyu Jonadhabhu muchichengeta mirao yake yose muchiita zvese zvaakati muite, 19nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Jonadhabhu mwanakomana waRekabhu haazombofa akashaya murume anondishandira.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 35: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.