Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 42

42
Vanhu vanokumbira kunamatirwa naJeremiya
1Vatungamiriri vose vehondo dzavarwi naJohanani mwanakomana waKarea naJezaniya#42:1 NaJezaniya: Ndozita riri muchiHebheru asi mune rechiGiriki mune zita rokuti Azariya. mwanakomana waHoshaya pamwechete navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye 2vakaenda kumuporofita Jeremiya vakati kwaari, “Inzwaiwo chichemo chedu mutinamatire kuna Tenzi, Mwari wenyu muchinyengeterera chitsama chavose vakasara ichi (nokuti tangosara tava vashomanana pavazhinji vaya sokutiona kwamuri kungoita nameso enyu) 3kuitira kuti Tenzi Mwari wenyu atiratidzewo gwara ratinofanira kutevedza uye nezvatinofanira kuti tiite.”
4Muporofita Jeremiya akavapindura achiti, “Ndazvinzwa! Chionai ndichanamata kuna Tenzi, Mwari wenyu maererano nechichemo chenyu. Mhinduro yose yandinenge ndapiwa naTenzi, ini ndichakutaurirai. Handisi kuzombokuvanzirai kana chinhu.”
5Ivo ndokuti kuna Jeremiya, “Dai Tenzi angova chapupu chechokwadi chakatendeka kwatiri kana isu tikarega kuita zvose zvinenge zvarehwa naTenzi akutumai kwatiri. 6Kunyange zvikava zvakanaka kana zvakaipa, chedu isu kuteerera chete izwi raTenzi, Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuitira kuti zvitinakire patinenge tateerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”
Mhinduro yaTenzi kumunamato waJeremiya
7Kuzoti kwapera gumi ramazuva shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya. 8Iye akabva adaidza Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vehondo dzavarwi vaiva naye navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye akati kwavari, 9“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri kuya kwamakandituma kundosvitsa chichemo chenyu: 10‘Kana mukaramba muri munyika muno iniwo ndichakuvakai ndisingakupazei. Ndichakusimai ndisingakudzipurei nokuti ndinorwadziwa mwoyo nenhamo yandakakupinzai. 11Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make. 12Ndichakunzwirai ngoni kuti iye agokuitiraiwo tsiye nyoro kuti mugare munyika yenyu chaiyo.’
13“Asi kana imi mukati, ‘Hatisi kuda kuramba tiri munyika,’ muchiramba kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu muchiti henyu, 14‘Kwete isu tichaenda kunyika yeIjipiti kwatisingazoonizve hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kunyange nenzara yechokudya ndokwatichandogara ikoko,’ 15nezvo imi chitsama chakasara chevokwaJudha chinzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Kana mukava nepfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, 16bakatwa ramuri kutya richakuwirai ikoko munyika yeIjipiti makaremo, neshangwa yenzara yacho yamuri kuzeza ichatsviriridza kusonana nemi kuIjipiti mufire ikoko. 17Vanhu vose vanoisa mwoyo papfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, vachafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda pasina wavo anosara kana anopunyuka rufu kunhamo dzose dzandichavauyisira.’
18“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Sokuviruka kwandakaita ndatsamwa nehasha ndikadziwodzvorera pavagari veJerusaremu, ndokuwodzvorera kwandichakuitirai hasha dzangu kana mukangoenda kuIjipiti. Muchava sendove chinhu chinokatyamadza chine rushamba chiseko zvacho. Nzvimbo ino hamuzombofa makaionazve.’
19“Imi chitsama chakasara chovokwaJudha Tenzi ati kwamuri, ‘Regai kuenda kuIjipiti.’ Nyatsozivai kuti nhasi uno ndakuyambirai 20kuti uku ndokutorasika kwamava kutoita muchida kuzviurayisa henyu. Handiti makandituma kuna Tenzi, Mwari wenyu muchiti, ‘Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu, uye chose zvacho chinenge charehwa naTenzi Mwari wedu tiudze tigozviita.’ 21Zvino ini nhasi uno ndakutaurirai. Asi imi hamuna kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu, pazvinhu zvose zvaakandituma kuzokutaurirai. 22Saka zvino mochinyatsoziva kuti chenyu imi kufa chete nebakatwa neshangwa yenzara nedenda munzvimbo yacho iyoyo kwamuri kurwarira kundogara.”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 42: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda