Jeremiya 44
44
Shoko raTenzi kuvapoteri veIsiraeri vaiva muIjipiti
1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richinangana navaJudha vose vakanga vagere munyika yeIjipiti kuMigidhori nokuTahipanhesi nekuMemufisi nokunyika yePatrosi 2richiti, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, handiti makazvionera here, nhamo yandakapinza Jerusaremu namaguta ose okwaJudha, chionai kuti, pari nhasi angova matongo zvawo asina ageremo 3zvakonzerwa nouipi hwavakaita. Vaindishatirisa nokuita kwavo vachienda kundopisira rusenzi nokutoshandirawo vamwe vamwari vavasingazivi ivo kana imi kana madzibaba enyu. 4Asi ini ndaingoramba ndichitumira varanda vangu vose, vaporofita ndichiyambira kuti musaite zvinhu zvinosemesa zvandinovenga. 5Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo kuti vatendeuke kuuipi hwavo varege kupisira vamwe vamwari rusenzi. 6Ndokusaka ndakatsamwa ndikaviruka nehasha ndikapedzera shungu pamaguta okwaJudha nemigwagwa yeJerusaremu akabva aita marara zvawo nechinhu pasina sezvaari pari nhasi.
7“Saka zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Munodirei kuzviparira nhamo yakakura ikadai, kuzvitsakatisa murume nomukadzi nomucheche nomwana pakati pevokwaJudha zvokusara pasisina anosara?’ 8Munodirei kundishatirisa netwamunobata namaoko enyu imi, kutopisira zvenyu vamwe vamwari rusenzi munyika yeIjipiti mamakauya kuzogara kuti ndikutsakatisei muchizova vanhu vorushambwa nechiseko mukati memarudzi ose pasi pano?
9“Makakanganwa here uipi hwamadzibaba enyu nouipi hwamadzimambo okwaJudha nouipi hwavakadzi vavo, nouipi hwenyu pachenyu nouipi hwamadzimai enyu hwavakaita munyika yokwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu? 10Havana kana nokutombozvininipisa kwose kusvikira pari nhasi. Havana kunditya kana kuchengeta mutemo wangu nezvirevo zvangu zvandakaisa kwamuri nokumadzitateguru enyu. 11Saka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri: Chionai ndichakufuratirai ndigokuisai munyatwa ndichitsakatisa vokwaJudha. 12Ndichaita kuti chitsama chavanhu vokwaJudha chakasara chakada kuuya kuzogara kunyika yeIjipiti chitsakatiswe chose. Vachafira munyika yeIjipiti nebakatwa nenzara. Kubvira kuvacheche kusvikira kuvakuru vakuru vachafa nebakatwa nenzara vachibva vava ndove nechinhu chinokatyamadza nechine rushambwa nechiseko. 13Ndicharanga vanhu vanogara munyika yeIjipiti sezvandakaita Jerusaremu yandakaranga nebakatwa yeshangwa yenzara nedenda, 14kuitira kuti pachitsama chovokwaJudha vakasara vaya vakauya kuzogara kuIjipiti pashayikwe kunyange mumwe zvake anopunyuka kana kurarama kana kuzodzokerazve kunyika kwavaJudha kwavanodisa kudzokera vachinogarako, nokuti havasiri kuzodzokerako kunze kwavapoteri vashoma chete.” 15Ipapo varume vose vaiziva kuti madzimai avo vakanga vapisira rusenzi kuna vamwe vamwari namadzimai ose akanga amire, negungano guru navanhu vose vaigara kuPatirosi munyika yeIjipiti vakapindura Jeremiya vachiti:
16“Maererano neshoko raTenzi rawatitaurira, hatisiri kuzombokuteerera. 17Asi tichaita zvose zvatakatsidza kuita zvokupisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura sezvatakaita isu namadzitateguru edu namadzimambo edu, uye namachinda edu mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu, nokuti panguva iyoyo taiva nezvokudya zvakawanda tichibudirira tisingawani njodzi. 18Asi kubvira panguva yatakaregera kupisira rusenzi kune hosi yedenga nokuipira mupiro wokuteura takava vanhu vasina chinhu tikabva taparadzwa nebakatwa nenzara.”
19Vakadzi ndokutiwo, “Patakapisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura varume vedu vakanga vasina kutibvumira here kubika makeke ane mufananidzo wayo tichimupira mupiro wokuteura.”
20Zvino Jeremiya akataura kuvanhu vose varume navakadzi navanhu vose vakanga vamupa mhinduro iyoyi achiti, 21“Kana zviri zvorusenzi rwamakapisa muri mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu, imi namadzitateguru enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navagari vomunyikamo, Tenzi haana kurangarira here? Hazvina kupinda mundangariro dzake here? 22Tenzi haana kukwanisa kuramba achikuitirai mwoyo murefu mune zvakaipa zvenyu nezvinosemesa zvamunoita, ndokusaka nyika yenyu rava dongo, namarara norushambwa isina anogaramo sezvairi nhasi uno. 23Chikonzero ndechokuti makapisa rusenzi uye makatadzira Tenzi pamakarega kuteerera izwi raTenzi nokuchengeta mutemo wake nezvakatemwa nezvakapupurwa, ndizvo zvakonzera kuti muwirwe nezvakaipa sezvazviri nhasi uno.” 24Jeremiya akataura kuvanhu vose, varume navakadzi achiti, “Inzwai shoko raTenzi imi vokwaJudha mose muri munyika yeIjipiti, 25Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: ‘Imi namadzimai enyu makataura nomuromo yenyu, mukazvizadzisa nezviito zvamaoko enyu,’ muchiti, ‘Tichatozadzisa mhiko dzedu dzatakapika, dzokupisira rusenzi kuhosi yedenga tichimupira mupiro wokuteura.’ Naizvozvo itai zvamakapika muzadzise mhiko dzenyu. 26Saka inzwai Shoko raTenzi imi mose vokwaJudha vagere munyika yeIjipiti. Chinzwai, zvanzi naTenzi, ndakapika nezita rangu guru, kuti zita rangu harichazodanwi nomuromo waani zvake wokwaJudha munyika yose yeIjipiti achiti, ‘Ndinopika naMwari Tenzi mupenyu.’ 27Inzwai, ndiri kuvaongorora kuti ndivape zvinovaipira, kwete zvanovanakira. Varume vose vokwaJudha vari munyika yeIjipiti vachaurayiwa nebakatwa neshangwa yenzara kusvikira vapera. 28Vachapukunyuka pabakatwa vachabuda munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yokwaJudha, vava vashomanana. Vakasara vose vokwaJudha, vakauya kuIjipiti kuzogara; vachaziva kuti ane shoko rechokwadi ndiani, rangu here kana kuti ravo. 29Zvanzi naTenzi, ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri chokuti ndichakurangirai munzvimbo ino kuti muzive chokwadi chokuti zvakaipa kwamuri zvandakakuyambirai zvichaitika. 30Zvanzi naTenzi, chionai, ndava kuzoisa Farao Hofura mambo weIjipiti mumaoko mavavengi vake nomumaoko mevanotsvaka kumuuraya, sokuisa kwandakaita Zedhekiya mambo wokwaJudha mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, muvengi wake aitsvaka kumuuraya.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 44: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.