Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 16:1-4

Johani 16:1-4 SCLB

“Ndataura zvose izvi kwamuri kuti murege kurasika. Vachakudzingai mumaSinagogu. Chokwadi, chokwadi nguva iri kuuya yokuti anokuurayai achafunga kuti ari kutoitira Mwari. Vachaita izvozvo nokuti havana kuziva Baba kana kuziva ini. Asi ndataura izvi kwamuri kuti kana nguva yazvo yosvika, muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo.

Verenga chikamu Johani 16