Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.” Ipapo pakanga paine mudziyo uzere waini inovava. Naizvozvo vakaisa chifovefove chizere waini inovava iya pamushenjere vakachiisa pamuromo pake. Jesu paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera.” Akakotamisa musoro ndokubva afa. Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe uye kuti zvitunha zvibviswe kuti zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa pamusi weSabata nokuti Sabata iroro rakanga riri Sabata guru. Saizvozvo masoja akaenda akatyora makumbo owokutanga neewechipiri weavo vakanga varovererwa pamwechete naye. Asi pavakauya kuna Jesu, vakaona kuti atofa havana kumutyora makumbo. Mumwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura. Uyo akazviona nameso anopupura; uchapupu hwake ndehwechokwadi. Uye anoziva kuti anotaura chokwadi kuti nemiwo mutendhe nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.” Uyezve chimwe chinoti, “Vachatarisa uyo wavakabaya.” Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake. Nikodhimasi uya akambouya kwaari nousiku akauyawo namafuta anonhuwira emura negavakava zvairema makirogiramu anenge makumi matatu ane mana. Vakatora chitunha chaJesu vakachiputira namachira erineni namafuta aya anonhuwirira vachitevedza tsika yechiJudha yokuviga vanhu. Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine bindu. Mubindu imomo maiva neguva idzva makanga musati mambovigwa munhu. Naizvozvo, zvaraiva zuva ravaJudha rokugadzirira Pasika uye guva iroro zvaraiva riri padyo kudaro vakaradzika Jesu imomo.
Verenga chikamu Johani 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 19:28-42
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo