Jobhu 32
32
III: HURUKURO YAERIHU
Kusuma nyaya yake
1Varume vatatu ava ndopavakabva varega kupindurana naJobhu nokuti Jobhu aizviona saakarurama. 2Asi Erihu mwana waBharakieri muBhuzi wedzinza rokwaRamu akashatirwa kwazvo akashatirirwa Jobhu nokuti akazviita mururami kupinda Mwari. 3Akashatirirwawo shamwari dzake nhatu nokuti vakanga vasina kuwana nzira dzokupwisa nadzo Jobhu kunyange akati Jobhu ane mhosva. 4Erihu haana kunge ataura kuna Jobhu nokuti vamwe vaya vakanga vari vakuru kwaari. 5Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisina chokutaura, Erihu akaita hasha.
Kukwegura hakusiko kunopa ungwaru asi Mweya
6Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati,
“Ini ndiri muduku
imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya
kukuudzai zvandinoziva.
7Ndati regai vakura ndivo vataure
vane makore aendedzana vape ungwaru.
8Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu
femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa.
9Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru
kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso.
10Naizvozvo ndinoti chimboteereraiwo
ndimbotaurawo zvandinofunga.
Makundika vakuru kupwisa Jobhu
11“Tarisai muone kuti
ndanga ndakamirira kuti imi mumbotaura
ndakateya nzeve kuhurukuro dzenyu dzoungwaru
imi muchimbotsvaka zvokuti mutaure.
12Ndanga ndakakuteererai zvangu
ndikaona kuti hapana apwisa Jobhu
uye kuti hapana mumwe pakati penyu
akwanisa kunyatsopindura Jobhu.
13Izvozvi mungati tazowana ungwaru zvino
Mwari ngaave iye anomupindura kwete munhu.
14Havana kutaura mashoko avo kwandiri
saka ini handichavapindura namashoko enyu.
15Varume ava vadumbirwa havachina chokupindura
havachina chokureva.
16Zvino ndoramba ndakamirira here
zvavasisataure kudai zvavangomira zvavo kudai
vasisapindure chinhu?
17Ini ndichapindurawo chikamu changu
iniwo ndichataura zvandinoziva
18nokuti ndizere namashoko
mukati umu ndiri kumonwa neshungu.
19Mwoyo wangu waita sewaini isina pokubuda napo
sezvigubhu zvewaini zvitsva zvava kuda kuputika.
20Ndinofanira kuti nditaure
ndipedze shungu dzangu.
Ndinofanira kuzarura muromo nditaure.
21Handisi kuzoita zvechizivano
kana kuita zvokubata munhu kumeso.
22Zvokubata vanhu kumeso handizvizivi
musiki wangu angadai akanditora.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jobhu 32: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: