Ruka 13
13
Mukarega kutendeuka muchafa
1Panguva iyoyo pane vamwe vakanga varipo vakataurira Jesu nezvavaGarirea vane ropa rakasanganiswa nezvibayiro zvavo naPirato. 2Akavapindura achiti, “Munofunga kuti vaGarirea ivavo vakanga vari vatadzi kupfuura vamwe vaGarirea vose here zvavakatambudzika kudaro? 3Ndinoti, ‘Kwete.’ Asi imi mukarega kutendeuka muchapararawo mose saizvozvo. 4Kana vaya gumi navasere vakawirwa neshongwe yomuSirowamu ikavauraya; munofunga kuti vakanga vari vatadzi kupinda vamwe vose vaigara muJerusaremu here? 5Ndinokutii, ‘Kwete.’ Asi imi, mukasatendeuka muchapararawo mose saizvozvo.”
Muenzaniso wemuonde usingabereki
6Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.” 7Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.” 8Iye akamupindura achiti, “Chimbouregai zvenyu, changamire, kwegore rinozve, kusvikira ndautimbira uye ndauisa mupfudze. 9Kana ukabereka muchero gore rinouya zvakanaka; kana usina moutema zvenyu.”
Jesu anorapa mudzimai aiva ndonda
10Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata. 11Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. 12Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.” 13Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari. 14Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.” 15Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura. 16Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?” 17Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita.
Muenzaniso wetsanga yemasitadhi
(Mat 13:31–32; Mak 4:30–32)
18Jesu akazoti, “Umambo hwaMwari hungafananidzwe nei, ndingauenzanise neiko? 19Hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akandoidyara mubindu rake. Yakakura ikava muti. Shiri dzedenga dzakaita matendere mumapazi awo.”
Muenzaniso wembiriso
(Mat 13:33)
20Akatizve umambo hwaMwari ndingahauenzanise nei? 21Hwakaita sembiriso yakatorwa nomudzimai akakanya muzviero zvitatu zvoupfu kusvikira zvatutuma.
Musuo wakamanikana
(Mat 7:13–14,21–23)
22Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa ari parwendo rwake rwokuenda kuJerusaremu. 23Pano mumwe akati kwaari, “Tenzi, vachaponeswa vashoma here?” Iye akati kwavari, 24“Vavarirai kupinda napamusuo wakamanikana, nokuti ndinokutaurirai kuti, vazhinji vachaedza kupinda asi vachakundikana. 25Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’ 26Ipapo muchatanga kuti, ‘Inga taidya nokunwa nemi uye maidzidzisa mumigwagwa yedu wani,’ 27asi iye achati ndinokuudzai kuti, ‘Handikuzivei kwamunobva. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.’ 28Ikoko vachachema vachirumanidza mazino kana moona Abhurahamu naIsaki naJakobho navaporofita vose vari muumambo hwaMwari asi imi madzingirwa kunze. 29Vanhu vachauya vachibva kumabvazuva nokumadokero uye vachibva kuchamhembe nokumaodzanyemba vachizogara pakudya muumambo hwaMwari. 30Chinzwai, kuno vamwe vari vokupedzisira vachava vokutanga. Vamwewo vokutanga vachazova vokupedzisira.”
Jesu anochema Jerusaremu
(Mat 23:37–39)
31Panguva iyoyo vamwe vaFarisei vakauya vakati kwaari, “Chibvai kuno nokuti Herodhi ari kuda kukuurayai.” 32Iye akati kwavari, “Endai mundotaurira gava iroro kuti, ‘Ndiri kudzinga mweya yakaipa ndichaporesa nhasi namangwana, pazuva retatu ndobva ndapedza basa rangu.’ 33Izvo zviri izvowo zvokuti ndinofanira kumbofamba parwendo rwangu nhasi namangwana nezuva ramangwana acho nokuti hazviite kuti muporofita apararire kunze kweJerusaremu.”
34“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba. 35Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 13: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.