Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:11-32

Ruka 15:11-32 SCLB

Akatizve, “Kwaiva nomumwe murume aiva navanakomana vaviri. Muduku akati kuna Baba vake, ‘Baba, chindipai mugove wenhaka yangu.’ Baba vakakamuranisa zvinhu zvavo zvavairarama nazvo pavanakomana vaya. Kusati kwambopera mazuva akawanda, munun'una akaunganidza zvinhu zvake zvose ndokupinda murwendo rwokuenda kunyika iri kure kure. Ikoko akandoparadza zvinhu zvake zvose zviya muupenyu hwounzenza. Paakapedza kudya zvose, kwakamuka nzara huru munyika iyoyo. Naiyewo akatanga kushaiwa. Akaenda akandozvipereka mumaoko omumwe mugari wenyika iyoyo. Iye akamutumira kuminda yake kuti apote achipa nguruve chokudya. Angadai akatofara kudya mateko aidyiwa nenguruve asi hapana kana akamupa kana chinhu zvacho. Paakazobengenuka akazviti, ‘Vangani vashandi vababa vangu vane chokudya chakakwana vachitosia zvavo asi ini ndichifa nenzara kuno.’ Ndichasimuka ndiende kuna Baba vangu ndigondoti kwavari, ‘Baba ndakatadzira denga uye ndatadzawo kwamuri. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu. Chindibatai somumwe wavashandi venyu.’ Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda. Mwana uya akati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira Wedenga uye ndakakutadzirai. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu.’ Asi baba vakati kuvashandi vavo, ‘Kurumidzai kuuya negemenzi rakanakisisa mumupfekedze; muise ringi mumunwe wake neshangu mumakumbo, muuyewo nemhuru iya yakakodzwa muibaye, tidye tichifara nokuti mwana wangu uyu akanga afa ava mupenyu zvakare, akanga arasika zvino awanikwa.’ Ndokubva vatanga zvavo kufara zvikuru. “Izvozvo mwanakomana wavo mukuru akanga ari kumunda. Paakanga achiuya ava kusvika pedyo nemba akanzwa mumhanzi nokutamba. Akadaidza mumwe mushandi akamubvunza kuti chaiva chii. Akamuti, ‘Munun'una wenyu wauya. Baba venyu vabaya mhuru iya yakakodzwa nokuti vamugamuchirazve ari mutano.’ Asi iye akashatirwa akaramba kupinda. Baba vake vakauya vakamuteterera. Asi iye akapindura baba vake achiti, ‘Tarirai muone kuti kwamakore mazhinji aya ndakakushandirai asi handina kumboramba kukutererai zvamaindiudza. Asi imi hamuna kana kumbondipa kana kambudzana zvako kokuti ndifare neshamwari dzangu. Asi pangouya mwana wenyu uyu akapedza zvinhu zvenyu zvinokuraramisai nepfambi, mabva mamubaira mhuru yakakodzwa.’ Baba vakati kwaari, ‘Mwanangu uneni nguva dzose uye zvangu zvose ndezvako. Zvanga zvakanaka kuti tipembere kwazvo tichifara nokuti munun'una wako uyu akanga afa zvino ava mupenyu, akanga arasika zvino awanikwa.’ ”

Verenga chikamu Ruka 15