Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:11-32

Ruka 15:11-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akaenderera mberi akati: “Pakanga pano mumwe murume akanga ane vanakomana vake vaviri. Muduku wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka yangu.’ Saka baba vakakamura pfuma yavo vakavagovanisa pakati pavo. “Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa. Shure kwokunge apedza zvose, kwakava nenzara huru munyika yose iyoyo, uye akatanga kushayiwa. Saka akaenda akandozvitsvakira basa kuno mumwe mugari womunyika imomo, iye akamutumira kuminda yake kuti anofudza nguruve. Akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve, asi hapana munhu akamupa kana chinhu. “Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’ Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda. “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ “Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake. Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere. Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera. “Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba. Saka akadana mumwe wavaranda akamubvunza kuti chii chakanga chichiitika. Muranda akapindura akati, ‘Mununʼuna wenyu auya uye baba venyu vamubayira mhuru yakakodzwa nokuti adzoka ari mupenyu uye akasimba.’ “Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Saka baba vake vakabuda vakamunyengetedza. Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu. Asi pangouya mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa!’ “Baba vakati, ‘Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako. Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti mununʼuna wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 15

Ruka 15:11-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati, “Mumwe munhu aiva navanakomana vaviri. Muduku wavo akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu.’ Akavagovera pfuma yake. Mazuva mashoma akati apfuura, mwanakomana muduku akaunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitoo yakaipa. “Zvino akati apedza zvose, nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushayiwa. Ipapo akaenda, akandozviisa kune mumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve. Akanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusina munhu waimupa. Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara. Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari, baba, ndatadzira wedenga, nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.’ Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda. “Mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ndatadzira wedenga nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai, muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake; muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, araramazve; akanga arasika, awanikazve.’ Zvino vakatanga kufara. Mwanakomana wake wedangwe akanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. “Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti, ‘Izvi zvinyiko.’ Akati kwaari, ‘Munun'una wako asvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwanazve ari mupenyu.’ ” “Asi iye akatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari. Asi iye akapindura, akati kuna baba vake, ‘Tarirai, ndakakushandirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murayiro wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu. Asi mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvipfeve, akati achisvika, momubayira mhuru yakakodzwa.’ Ivo vakati kwaari, ‘Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako. Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararama; akanga arasika, akawanika.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 15

Ruka 15:11-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akatizve, “Kwaiva nomumwe murume aiva navanakomana vaviri. Muduku akati kuna Baba vake, ‘Baba, chindipai mugove wenhaka yangu.’ Baba vakakamuranisa zvinhu zvavo zvavairarama nazvo pavanakomana vaya. Kusati kwambopera mazuva akawanda, munun'una akaunganidza zvinhu zvake zvose ndokupinda murwendo rwokuenda kunyika iri kure kure. Ikoko akandoparadza zvinhu zvake zvose zviya muupenyu hwounzenza. Paakapedza kudya zvose, kwakamuka nzara huru munyika iyoyo. Naiyewo akatanga kushaiwa. Akaenda akandozvipereka mumaoko omumwe mugari wenyika iyoyo. Iye akamutumira kuminda yake kuti apote achipa nguruve chokudya. Angadai akatofara kudya mateko aidyiwa nenguruve asi hapana kana akamupa kana chinhu zvacho. Paakazobengenuka akazviti, ‘Vangani vashandi vababa vangu vane chokudya chakakwana vachitosia zvavo asi ini ndichifa nenzara kuno.’ Ndichasimuka ndiende kuna Baba vangu ndigondoti kwavari, ‘Baba ndakatadzira denga uye ndatadzawo kwamuri. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu. Chindibatai somumwe wavashandi venyu.’ Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda. Mwana uya akati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira Wedenga uye ndakakutadzirai. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu.’ Asi baba vakati kuvashandi vavo, ‘Kurumidzai kuuya negemenzi rakanakisisa mumupfekedze; muise ringi mumunwe wake neshangu mumakumbo, muuyewo nemhuru iya yakakodzwa muibaye, tidye tichifara nokuti mwana wangu uyu akanga afa ava mupenyu zvakare, akanga arasika zvino awanikwa.’ Ndokubva vatanga zvavo kufara zvikuru. “Izvozvo mwanakomana wavo mukuru akanga ari kumunda. Paakanga achiuya ava kusvika pedyo nemba akanzwa mumhanzi nokutamba. Akadaidza mumwe mushandi akamubvunza kuti chaiva chii. Akamuti, ‘Munun'una wenyu wauya. Baba venyu vabaya mhuru iya yakakodzwa nokuti vamugamuchirazve ari mutano.’ Asi iye akashatirwa akaramba kupinda. Baba vake vakauya vakamuteterera. Asi iye akapindura baba vake achiti, ‘Tarirai muone kuti kwamakore mazhinji aya ndakakushandirai asi handina kumboramba kukutererai zvamaindiudza. Asi imi hamuna kana kumbondipa kana kambudzana zvako kokuti ndifare neshamwari dzangu. Asi pangouya mwana wenyu uyu akapedza zvinhu zvenyu zvinokuraramisai nepfambi, mabva mamubaira mhuru yakakodzwa.’ Baba vakati kwaari, ‘Mwanangu uneni nguva dzose uye zvangu zvose ndezvako. Zvanga zvakanaka kuti tipembere kwazvo tichifara nokuti munun'una wako uyu akanga afa zvino ava mupenyu, akanga arasika zvino awanikwa.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 15

Ruka 15:11-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati: Mumŋe munhu waiʋa naʋanakomana ʋaʋiri. Muɗuku waʋo akati kunaɓaɓa ʋake: Ƃaɓa, ndipei mugoʋe wenhaka ucazoʋa waŋgu. Akaʋagoʋera fuma yake. Mazuʋa mashoma akati apfuʋura, mŋanakomana muɗuku akaʋuŋganidza ɀose, akaenda kunyika iri kure; akaparadza’ko nhaka yake acifamba nemitoʋo yakaipa. Ɀino wakati apedza ɀose, nzara huru ikaȿika panyika iyo, akataŋga kushaiwa. Ipapo akaenda, akandoɀiisa kunomumŋe waʋanhu ʋenyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza ŋguruʋe. Wakaŋga aciɗa kuɀigutsa namateko aidyiwa neŋguruʋe; asi kwakaŋga kusinomunhu waimupa. Ɀino wakati aciɀifuŋga, akati: Ʋaranda ʋazhinji sei ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaneɀokudya ɀakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara. Ndicasimuka, ndiende kunaɓaɓa ʋaŋgu, nditi kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga, napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu; mundiite somumŋe waʋaranda ʋenyu. Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta. Mŋanakomana akati kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu. Asi ɓaɓa ʋakati kuʋaranda ʋaʋo: Kurumidzai, muʋuye neŋguʋo yakaiȿo‐naka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshaŋgu patsoka dzake; muʋuye nemhure yakakodzwa, muiɓaye, tidye, tifare; nokuti mŋanakomana waŋgu uyu wakaŋga afa, wararama ɀe; wakaŋga arashika, wawanika ɀe Ɀino ʋakataŋga kufara. Mŋanakomana wake weɗaŋgwe wakaŋga ari kumunda; ɀino wakati aciȿika, acisweɗera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. Ipapo akaɗanira kwaari mumŋe waʋaranda, akamubvunza kuti iɀi ɀinyiko. Akati kwaari: Munuŋuna wako waȿika, ɀino ɓaɓa ʋako ʋaɓaya mhuru yakakodzwa, nokuti ʋamuwana ɀe ari mupenyu. Asi iye wakatsamŋa, akaramba kupinda. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakakumbira ɀikuru kwaari. Asi iye wakapindura, akati kunaɓaɓa ʋake: Tarirai, ndakakuɓatirai makore awa mazhinji, ndisiŋgatoŋgoɗariki murairo wenyu, asi hamuna‐kutoŋgondipa mbudzana, kuti ndifare neshamŋari dzaŋgu. Asi mŋanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu neɀifeʋe, wakati aciȿika, mamuɓayira mhuru yakakodzwa. Iʋo ʋakati kwaari: Mŋana waŋgu, iwe uneni ŋguʋa dzose, ɀose ɀaŋgu ndeɀako. Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munuŋuna wako uyu wakaŋga afa, wararama; wakaŋga arashika, akawanika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 15

Ruka 15:11-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)