Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya kuenda murenje kundoedzwa naSatani. Akatsanya siku nesikati kwamazuva makumi mana. Mushure mezvo akabva oziya. Muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti matombo aya ave chingwa.” Asi iye akapindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga asi neizwi rose rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Zvakanyorwazve kuti, ‘Usaedze Tenzi Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu–refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira.
Verenga chikamu Mateu 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 4:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo