Kwakangoti pfuurei mazuva akati kuti, akapindazve muKapenaumu. Zvakazonzwika kuti ave pamba. Vanhu vazhinji vakaungana zvokuti pakanga pasisina kana nekanzvimbo kose kakasara, kunyange napamusuo pose; iye akanga achivaparidza shoko. Vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga akatonhora mitezo akatembedzanwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo. Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzigeremo dzakazviti nechomumwoyo. “Ko, seiko uyu achitaura achidai? Ari kushonha Mwari! Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” Pakarepo, Jesu zvaakazviziva kuti vaifunga zvakadai mukati mavo, akavati, “Ko munofungireiko zvinhu zvakadai mumwoyo menyu? Chakareruka ndechipi kuti kumunhu akatonhora mitezo, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka utore uvato hwako ufambe.’ Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo.” Akati kuno munhu akatonhora mitezo uya, “Ndinoti kwauri, ‘Simuka utore rukukwe rwako uende kumusha.’ ” Pakarepo munhu uya akati kwanyanu kusimuka, akatora rukukwe rwake akabuda vose vachiona, zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari vachiti, “Aiwaiwa, hatisati tamboona zvakadai kwete.”
Verenga chikamu Mariko 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 2:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo