Nahumu 2
2
KUPARARA KWENINIVHE
1Muparadzi akuvinga
chengetedzaika nhare
yokuzvidzivirira nayo muhondo
garirirai mumugwagwa
sungai dzisimbe
kokai simba renyu rose.
2(Chikonzero ndechokuti
Tenzi ari kudzosera pakare
vokwaJakobho umambo
soumambo hwokwaIsiraeri
nokuti vapambi vakavarozva
vakaparadza matavi avo).
3Nhoo dzamagamba ake itsvuku
varwi vake vehondo vakapfeka
hanzu dzakati piriviri kutsvuka,
ngoro dzacho dzehondo
dzinovakuma serimi romoto
dzaunganidzwa dzaronganiswa,
varwi vemabhiza vorimbinyuka.
4Ngoro dzacho dzehondo
hero besanwa mumigwagwa
dzichivhetemesewa kumhanya
dzichipenya semwenje
dzichipenya semheni.
5Vakuru vakuru vanodaidzwa
vanotatarika vachiendako,
vanomhanyira kurusvingo
varonganisa zvokuzvidzivirira nazvo.
6Misuo yekurwizi yazarurwa
muzinda wamambo, wadumbirwa nazvo.
7Vahosi varo vapfekenurwa hanzu
vaendwa navo
vasikana vanovashandira vachiungudza
vachichema senjiva.
Vachizvirova chipfuva.
8Ninivhe yakaita sedziva
rine mvura yavhozhoka.
Vanodaidzira kuti ngaimire ngaimire,
asi hapana ari kudzokeramo.
9Pambai sirivha.
Pambai ndarama
zvinhu zvavo hazviverengeki
kana upfumi hwezvose zvinokosha.
10Heko kuparara!
Kuparara kuita dongo!
Mwoyo yapera simba
mabvi achirovana kudedera.
Vanhu vose vaita musana,
zviso zvese zvachiti surududu.
11Riripiko zvino iro bako reshumba,
bako#2:11 Bako: muchiHebheru panoti mafuro. reshumba ichiri kuzvinzwa,
kwayaiuyisa nyama yayo
kwaiva navana vayo
pasina chinovakanganisa?
12Shumba yacho yaibvamburira vana vayo
nyama yakakwana
ichidzipira hadzi yayo nyama;
yaizadza mapako ayo nenyama
uye mumba mayo nenyama
yakadanzurwa-danzurwa.
13Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.”
Zvasarudzwa nguva ino
Nahumu 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.