Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Obhadhiya 1

1
Kurangwa kuchaitwa nyika yeEdhomu naTENZI
1Zvakaoneswa Obhadhiya.
Zvanzi naTENZI Mwari nezveEdhomu
takanzwa shoko richibva kuna TENZI
uye nhumwa iri kutumwa mukati
memarudzi ichiti,
“Simukai, ngatimumukirei timurwise.”
2Chinzwai, “Ndichakuitai mudiki
pakati pamarudzi. Muchashorwa zvikuru.
3Mwoyo wenyu wokuzvikudza
wakakurasisai
imi mune musha womumapako mumikaha,
mune musha uri pamusoro,
imi munozviti nechomumwoyo.
‘Ndianiwo zvake
angatikoromorere pasi.’
4Kunyange zvazvo
muri muchadenga imomo segondo,
nyange movakira zvenyu
dendere renyu pakati penyenyedzi,
ikoko ndichakukoromorerai pasi.
Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Kuparadzwa kweEdhomu
5“Kana mbavha dzikakuvinga
kana kuti vapambi vousiku,
handiti vanongotora chete
zvinokwanirana navo?
Kana vokukohwa magirepisi vakakuvinga
handiti vanotosiyawo mamwe
okufuhwa zvawo?
Asi kuparadzwa kwamuchaitwa imi, aiwaiwa!
6Tarisaiwo muone zvenyu
kuparadzwa kwaitwa nyika yaEsau,
upfumi hwayo hwapambwa.
7Vamwe venyu vose vakakufurirai
vakakudzingirai kumuganhu,
shamwari dzenyu chaidzo
dzakupandukirai zvino.
Madzisahwira enyu chaiwo amunovimba nawo
akuisirai chokukuteyai nacho
hazvichambonzwisisiki.
8“TENZI ari kuti
nezuva iroro handisi
kuzoparadza vangwaru muEdhomu here
noruzivo muGomo rokwaEsau?
9Magambawo enyu avarwi,
imimi wokwaTemani, achadumbirwa
zvokuti munhu wose
wokuGomo rokwaEsau
achapfuudzwa nebakatwa.
Mhosva dzakarangirwa Edhomu
10“Imi vokwaEsau#1:10 VokwaEsau: MuchiHebheru munenge makanzi Jakobho uye Esau. pamusana poutsinye hwamakaita
kuvanun'una venyu vokwaJakobho
muchanyara imi nokusingaperi
uye muchaparadzwa zvachose.
11Pamusi uya
wamakamirira kure
vatorwa vachipamba
upfumi hwevokwaJakobho,
vatorwa vacho vachitopinda
mumaguta avo,
vachiitira Jerusaremu chin'ange
imi maitoita somumwe wavo.
12Asi mungadai musina
kutonakidzwa nokuonerera zvenyu
zuva ravanun'una venyu
pazuva renyatwa dzavo
mungadai musina kupembera kwazvo
kufara nezvevanhu vokwaJudha
nezuva rokuparara kwavo,
mungadai musina kutozvitutumadza
pamusi wenhamo iyoyo.
13Hamaifanira kumbopinda henyu
muguta ravanhu vangu pazuva repfumvu yavo.
Hamaifanira kutonakidzwa nokuonerera
kuparara kwavo
pamusi wepfumvu yavo.
Mungadai musina kumbopamba
zvinhu zvavo
pazuva repfumvu yavo.
14Mungadai musina kundomirira
pamharadzano muchipfuudza
vainge votiza.
Hamaifanira kudzosera kwakare
vainge vapunyuka
pamusi wenhamo yavo.
Kutonga marudzi kuchaita Mwari
15“Chiripo ndechichi chokuti
zuva raTENZI riri kuzosvikira
marudzi ose avanhu.
Zvamunenge maitawo imi
ndizvo zvichaitwawo kwamuri,
zviito zvenyu zvichakupfukirai
16nokuti sokudhakwa kwamakaita imi
pagomo rangu rinoera,
marudziwo ose omunharaunda imomo
achararadzawo nawo.
Vachanwa zvokudutira
vagosara vava kunge vanhu
vasina kana kumbovapo zvavo.
Kukurira kuchaita vokwaIsiraeri
17“Asi muGomo reZioni
muchava navanenge vapunyuka
uye richava gomo rinoera.
Imbawo yokwaJakobho
ichatora hayo zvinhu zvayo
zvizova mumaoko mayo.
18Imba yokwaJakobho
ichava moto
imba yokwaJosefi
ichiva murazvo womoto
imba yokwaEsau
ichiva zvidzitsi zvamashanga.
Ivo vachavapisa vagovaroromesa.
Hapazova navanopunyuka
kune vemba yokwaEsau
nokuti TENZI ataura.
Isiraeri Itsva
19“Vanhu vokuNegevhu vachatora
Gomo rokwaEsau kuriita ravo
vanhuwo vokumanhika kuShefera
vachitorawo nyika yavaFirisitia
kuita yavo.
Nyikawo yokwaEfuremu
nenyikawo yeSamaria
vachadzitora kuva mumaoko mavo
uyewo vokwaBhenjamini
vagotora havo dunhu rokwaGireadhi.
20Hondo yenhapwa dzokwaIsiraeri
iri kuHara ichatora hayo
nyika yeFonisia kusvikira kuZarifati
kuita zvavo nyika yavo.
Nhapwawo dzokuJerusaremu
dziri kuSefaradhi dzichatorawo
maguta okuNegevhu kuaita adzo.
21Vakundi vachakwira Gomo reZioni
vachatonga gomo rokwaEsau
umambo huchava hwaTENZI.”

Zvasarudzwa nguva ino

Obhadhiya 1: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda