Firimoni Zviri mutsamba yaFirimoni
Zviri mutsamba yaFirimoni
Tsamba yaFirimoni itsamba yakanyorerwa munhu mumwechete ainzi Firimoni. Firimoni anofanira kunge akanga ari munhu mukuru musangano raaiva. Aitova munhu ano muranda wake ainzi Onesimo. Firimoni akatadzirwa kwazvo naOnesimo. Akatizwa nomuranda wake Onesimo. Pakatiza Onesimo, zvichida akabira Firimoni zvinhu kana mari. Pauro ari kuti Onesimo ari kuno kuRoma; ava muKristu wandakaombeka. Nokudaro ava mwana wangu sewe, Firimoni. Saka ava munun'una wako kwete muranda. Ndava kumudzorera kwauri. Mugamuchire sokugamuchira kwaungaite ini muyanane uye kana ane chikwereti kana kuti ngava newe, ini Pauro, ndini ndinoripa zvangu asi iwe chimugamuchira zvakanaka mumhuri mako.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yaFirimoni
Kusuma (1:1–3)
Rudo nechitendero chaFirimoni (1:4–7)
Pauro anokumbirira Onesimo (1:8–22)
Chikomborero nekwaziso yokupedzisa (1:23–25)
Zvasarudzwa nguva ino
Firimoni Zviri mutsamba yaFirimoni: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.