Nziyo 102
102
Munamato womunhu atambura paanenge apera simba, anogurukuta chichemo chake pamberi paTENZI.
Munamato womunhu wevechidiki munhamo
1Inzwai munamato wangu, imi TENZI,
kuchema kwangu ngakusvike kwamuri.
2Musandivanze uso
pazuva rokutambura kwangu.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;
ndipindureiwo nokukasira
pazuva randinodanidzira.
3Mazuva angu ari kupfuura soutsi
uye mapfupa angu anopisa sevirira romoto.
4Mwoyo wangu wasvaviswa,
wauna souswa,
ndava kutokanganwa kudya chokudya.
5Pamusana pokuungudza kwangu kukuru,
mapfupa angu avakutoomererana nenyama yangu.
6Ndavakunge zizi romurenje,
sezizi romudongo chaimo.
7Ndinorara ndakasvinura,
ndavakunge shiri iri yoga pamusoro pemba.
8Ndinoshorwa navavengi vangu
zuva rose;
vanondiseka vanoshandisa zita rangu
sechinhu chokurengerera nacho rushambwa.
9Nokuti ndinodya dota sechingwa,
ndichisanganisa chokunwa changu nemisodzi
10pamusana pokutsamwa kwenyu nehasha
nokuti makanditora mukandikanda kwakadaro.
11Mazuva angu akaita somumvuri wamanheru,
ndinouna souswa.
12Asi imi mugere pakutonga nokusingaperi,
zita renyu richaramba riripo
kuzvizvarwa nezvizvarwa zvose.
13Muchasimuka henyu
monzwira ngoni guta reZioni,
iri nguva yokurinzwira tsitsi,
nguva yakatemwa inenge yasvika
14nokuti varanda venyu vanoda matombo aro
uye vanorinzwira tsitsi kunyange rava guruva.
15Marudzi achatya zita raTENZI
uye madzimambo apasi acharemekedza mbiri yenyu.
16Nokuti TENZI achavakazve guta reZioni,
achazviratidza nembiri yake.
17Achanzwa munamato
wavasina chavanacho,
asingashairi hanya mukumbiro wavo.
18Izvi ngazvinyorerwe chizvarwa chinouya
kuitira kuti vanhu vasati
vazvarwa varumbidze TENZI;
19kuti akatarira pasi ari munzvimbo
yake yokumusoro inoera.
TENZI akatarisa pasi ari kudenga
20kuti anzwe kugomera kwavasungwa
kuti asunungure vakanga
vatongerwa rufu,
21kuri kuitira kuti vanhu
vaparidze zita raTENZI muZioni,
vaparidze mbiri yake muJerusaremu,
22marudzi avanhu paanoungana pamwechete,
nyika nenyika padzinoungana kuzonamata TENZI.
23Akandityora mapfupa panzira;
akandidimurira mazuva.
24Ndinoti, Mwari wangu musanditore
ndichiri mukati memazuva angu,
imi mune makore anoramba aripo
pazvizvarwa nezvizvarwa zvose.
25Pasi chigare, makaisa ugaro hwenyika,
matenga ibasa ramaoko enyu.
26Izvo zvichaparara asi imi mucharamba muripo;
zvichasakara sehanzu.
Munovachinja sehembe
vachipfuura.
27Asi imi munoramba muri zvamuri
makore enyu haaperi.
28Vana vavaranda venyu
vachagara zvisina njodzi;
zvizukuru zvavo zvichanyatsodzika
midzi pamberi penyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 102: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.