Nziyo 122
122
Rumbo rwokurumbidza narwo Jerusaremu
Rwiyo rwokukwira narwo kumusoro.
1Ndakafara pavakanditi,
“Handei kuimba yaTENZI.”
2Zvino tsoka dzedu
dzatsika pamisuo yako iwe Jerusaremu
3Jerusaremu yakavakwa seguta rakabatana,
rakasungana pamwechete.
4Ndiko kunokwira marudzi,
marudzi aTENZI
sokutemwa kwazvakaitirwa Isiraeri
kundotenda zita raTENZI.
5Imomo ndimo makagadzikwa
zvigaro zvokutongera,
zvigaro zvoumambo zvemba yokwaDhavhidhi.
6Kumbirirai Jerusaremu rugare,
vanokuda ngavabudirire.
7Murusvingo rwako ngamuve norugare
uye kubudirira kuve mumuzinda yako.
8Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu
ndinoti, “Rugare ngaruve mauri.”
9Pamusana pemba yaTENZI Mwari wedu ndinonamata
kuti zvikufambire zvakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 122: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.