Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 129

129
Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.
Kunamatira vavengi veIsiraeri kuti vakauriswe
1Vakanditambudza zvikuru
kubvira pahuduku hwangu
Isiraeri ngaitaure kudaro kuti,
2“Vakanditambudza zvikuru
kubvira pauduku hwangu
asi havana kundikurira.
3“Varimi vakarima musana wangu
vakaita mihoronga mirefu.
4“TENZI akarurama
akadambura tambo dzavakaipa.”
5Vose vanovenga Zioni
ngavanyadziswe vadzoserwe shure.
6Ngavaite souswa huri
padenga remba
hunouna husina kukura
7husingazari muchanza chomukohwi.
Kana kukodzera kuti musungi wezvisote
angabangohubungatira.
8Vapfuuri nenzira havamboti,
“Chikomborero chaTENZI
ngachive pauri.
Tinoti ukomborerwe muzita raTENZI.”

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 129: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda