Zvakaratidzwa 19
19
1Mushure maizvozvi ndakanzwa izwi guru
rainge remhomho huru yavanhu mudenga
vachidaidzira vachiti,
“Areruya! Ruponeso nembiri
nesimba ndezvaMwari wedu.
2Kutonga kwake kuri pachokwadi uye kwakarurama.
Akatonga chifeve chikuru chiya
chakaodza pasi noupombwe hwacho
akatsividza pachiri ropa ravaranda vake.”
3Vakadaidzirazve vachiti,
“Areruya! Utsi hwaro
heko kutogoka nokusingaperi.”
4Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya
nezvisikwa zvipenyu zvina zviya
zvakati pasi kota kota
zvichinamata Mwari
agere pachigaro choumambo zvichiti,
“Ameni. Areruya!”
Zuva guru romuchato wehwayana
5Pakanzwika izwi richibva pachigaro choumambo
richidaidzira richiti,
“Rumbidzai Mwari wedu
imi mose varanda vake
nemi vanomutya, vakuru navadiki.”
6Ndakazonzwa chainge izwi remhomho yavanhu
richinge ruzha rwemvura zhinji
uye sokudhiriridza kwemheni ine simba
richidaidzira richiti,
“Areruya! Nokuti Tenzi Mwari wedu
Samasimbaose anotonga.
7Ngatipemberei tichifara timuwanise mbiri
nokuti muchato wehwayana wasvika
uye mwenga azvigadzirira.
8Akabvumidzwa kupfeka
jira jena rakachena rerineni rakanakisisa jena.
Jira rerineni yakanakisisa
ndiwo mabasa akarurama avatsvene.”
9Mutumwa akati kwandiri,
“Nyora izvi zvokuti,
‘Vakakomborerwa zvavo
vakakokwa kuchirariro chomuchato weHwayana.’
Akanditizve, ‘Aya mazwi chaiwoiwo aMwari.’ ”
10Ipapo ndakabva ndati pasi gwadagwa
patsoka dzake ndichimupfugamira.
Asi iye akanditi,
“Rega kudaro, ini ndiri mushandipamwe newe
uye ndiri mushandipamwe nehama dzako
dzino uchapupu hwaJesu.
Mwari ndiye waunofanira kupfugamira uchimunamata;
uchapupu hwaJesu ndiwo mweya unavaporofita.”
C: KUPARADZWA KWEVECHIRUDZI
Mutasvi webhiza jena
11Zvino ndipo pandakaona denga razarurwa
ndikaona bhiza jena.
Akanga akaritasva ainzi Kutendeka uye Chokwadi
anotonga noururami
uye anorwa hondo.
12Maziso ake akaita serimi romoto
pamusoro wake pane ngundu dzakawanda
uye akanga ane zita rakanyorwa
risingazivikanwi nani zvake
asi iye oga.
13Akanga akapfeka gemenzi rakanyikwa muropa
zita raanodaidzwa naro rinonzi, “Shokoramwari.”
14Hondo dzokudenga dzakanga dzakarongana
dzakapfeka jira jena rakachena rerineni yakanakisisa;
dzaimutevera dzakatasva mabhiza machena.
15Mumuromo make makabuda
bakatwa rinopinza rokukurira naro marudzi.
Achavatonga netsvimbo yesimbi;
achakanya waini muguvi rewaini
rehasha dzaMwari Samasimbaose.
16Pagemenzi rake napachidya chake
akanyorwa zita rokuti,
“Mambowamadzimambo naShewamadzishe.”
17Ndakazoona mutumwa akamira muzuva
akadaidzira nezwi guru
kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga
achiti, “Uyai muunganire chirariro chikuru chaMwari,
18uyai muungane mudye chirariro
chezvitunha zvamadzimambo
nezvitunha zvavatungamiri vehondo
nezvitunha zvamagamba
nezvitunha zvamabhiza nezvavatasvi vawo
nezvitunha zvavanhu vose,
vakasununguka nenhapwa,
vakuru navaduku.”
19Ndakaonawo chikara chiya naMadzimambo apasi
nehondo dzavo vaungana kurwa hondo
naiye akanga akatasva pabhiza uye nehondo yake.
20Chikara chiya chakabatwa
pamwechete nomuporofita wenhema
uya akaita zviratidzo pamberi pacho
zvaakanyengedza nazvo
vaya vaiva nomucherechedzo wechikara
navaya vainamata chifananidzo chacho.
Muporofita uya akakandwa ari mupenyu
mudziva rinobvira moto wesarufa
pamwechete nechikara chiya.
21Vamwe vose vakauraiwa
nebakatwa romutasvi webhiza
raibuda mumuromo make
uye shiri dzose dzichatozvimbirwa
zvadzo nenyama yavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakaratidzwa 19: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.